HomeOld_PostsVarimi vedu ngavabatsirwe

Varimi vedu ngavabatsirwe

Published on

Nyaya iyi yakanyorwa naPatience Rusare ikaturikirwa naRujeko Jangano

MUKUVAMBA kwemwaka wekurima wegore ra2014 kusvika 2015 varimi vakatarisira rubatsiro rwemari yokutenga zvokurimisa.
Vakatarisira kuti mapazi anopa rubatsiro rwemari pamwe nehurumende vauye kuzovayamura nemari kuitira kuti nyika iwane goho rinokwanira nyika.
Zvisinei nokuti kurima ndiko kwakabata hupfumi hwenyika, munguva yapfuura varimi vakatadza kuwana rubatsiro rwemari rwekusimudzira mabasa avo.
Tinoziva kuti chikamu chose chevarimi chakasangana nematambudziko mukuwana mari yezvikwereti kubva kumabhanga.
Varimi vakuru vanodaidzwa kunzi maA2 ndivo vakanyanya kukanganisika zvikuru, sezvo vainge vasina mapepa akakwana anodiwa namabhanga kuti vagone kupihwa mari.
Gore rino varimi vakaisa tariro yavo pachirongwa chinonzi 99-year lease kana kuti Special Purpose Vehicle.
Mabhanga ndiwo akauya nepfungwa yeSpecial Purpose Vehicle (SPV) iyo inofanirwa kuiswa panzvimbo nehurumende kuitira kuti varimi vakatadza kudzorera mari yavanenge vakwereteswa hurumende ndiyo inobva yabhadhara zvikwereti izvi.
Svondo rakapera bhanga guru renyika Reserve Bank of Zimbabwe rakaisa maSVP anonzi Zimbabwe Asset Management Corporation (ZAMCO).
Chikwata ichi chiripo kuongorora mamiriro akaita zvinhu mumabhanga maererano nokupa vanhu zvikwereti kuti pazoonekwa matanho angatorwa mukubatsira mabhanga aya akatarisana navarimi.
Nyaya yemaSVP inhau inofadza here kuvarimi?
Mhinduro inoti kwete.
Chikwata cheSPVpamwe neZAMACO kubva mumwedzi waChikumi 2014 vakatotanga kushanda nemabhanga akarasikirwa nemari inokwana kuita mamiriyoni mazana manomwe kuburirikidza nezvikwereti zvavainge vapa vanhu.
Zvisinei chikamu chinoita US$45miriyoni chakatopihwa kumabhanga neZAMCO nemusi wa August 15 2014.
Hakazi kekutatanga maSPV avambwa.
Apo bhanga reZB rakave nematambudziko kubva mukusabhadharwa kwezvikwereti hurumende yakavamba anonzi maClimax ayo akabvisa chikwereti chebhanga iri.
Panguva apo bhanga reCBZ rakasangana nedambudziko rimwechetero hurumende yakabvisa chikwereti ichi zvakare.
Nigeria neMalaysia ndeimwe mienzaniso yenyika dzakabudirira mukushandisa maSVP takatarisana nezvezvikwereti zvisingadzorerwi.
Mwedzi mitanhatu yapfuura pakaoneka mukana uripo pakati pehurumende nemabhanga takatarisana ne99-year lease (tsamba dzekuminda).
Varimi vakagariswa patsva vari kunetsekana nokuwana zvikwereti kumabhanga.
Munguva yapfuura varimi vakuru vaingowana rubatsiro rwemari vachishandisa matsamba avo eminda.
Masangano anopa rutsigiro rwemari gore rino vangokwanisa kupa rubatsiro runokwana chidimbu chinoita kuita gumi neshanu kubva muzana kuchikamu chezvekurima inova mari shomanana kubva pane inotarisirwa.
Kushaikwa kwemari yekurimisa kwaita kuti hurumende irasikirwe nemari yakawanda yaizowanikwa kubva mukutengesa zvirimwa.
Mabhanga mashoma ndiwo ari kupa rubatsiro rwemari kuvarimi uye vari kuvapa nguva diki pakudzorerwa kwemari iyi izvi zvinopesana nezvinodiwa muchikamu ichi.
Vachitaura kuvarimi vaive kumusangano wezvebhizimisi rokurima (Agri-Business) uyo unoitwa gore roga -roga wakaitwa masvondo apera, mutungamiri wemubatanidzwa wemabhanga, vaSam Malaba vakati kukwereteswa kwemari kwakakosha mukuunza budiriro yenyika.
Chikwereti chine hurumende chiri kutadzisa kuti vemabhangai vawane mari kune dzimwe nyika.
Kubva pakatanga chikamu chokushandiswa kwemari dzokunze mugore ra2009 varimi havana kumbowana zvikwereti zvakakura.
Mari yezvikwereti zvakakura yaiuya kubva kuvabatsiri vokunze kwenyika ino.
Kuwanika kwemari kunongozoitika kana nyika ino ikagadziridza nyaya yeminda pamwe nokubhara chikwereti chinokwana kuita US$9,7 bhiriyoni.
Zvisinei mugore rakapera nyika ino yakakwanisa kuwana mari inokwana kuita US$98 miriyoni kubva kunyika yeBrazil pasi pechirongwa chezvemichina yokurimisa inosanganisira michina yokudiridza.
Malaba akati mukupedza dambudziko rekushaikwa kwezvikwereti kuvarimi zvinotoda kuti mapazi ose kusanganisira varimi, vemabhanga, hurumende pamwe nevemasangano akazvimirira vabatirane pamwechete.
Chimwe zvakare chinobatsira kuisa mitengo yepamusoro yezvirimwa zvakaita sechibage nezvimwe zvirimwa zvinoita kuti vanopa rubatsiro rwemari vade kupa mari kuvarimi.
Parizvino vanopa rubatsiro rwemari vari kusarudza kupa rubatsiro kuvarimi vefodya, nzimbe nedonje sezvo zvichitengwa nemari yepamusoro.
Pave neshanduko kuvapi verubatsiro kuvarimi avo vosiya zvirimwa zvakaita sechibage vachitizira kufodya nenzimbe kuburikidza nomubhadharo unowanikwa unova wepasi.
Mwaka wa2014 kusvika 2015 unotanga mwedzi unotevera uye varimi varikutaura kuti pasina rutsigiro rwakakwana panoshaikwa pundutso.
Vari mune zvokurima vakadana hurumende kuti ipe rutsigiro kubhanga revarimi reAgricultural Bank of Zimbabwe (Agribank) iro rine musenzekete wokubatsira varimi.
Bhanga iri rakaburitsa mamiriro aro svondo rapfuura rikataura kuti haraikwanisa kuzadzisa basa raro nokuti harina mari.
Mumwe mutungamiri weAgribank, Sijabuliso Biyam akati bhanga iri riri kuda mari yokuti risimudzirwe kuitira kuti rigone kuita basa raro!
Nyaya iyi yakatorwa muThe Patriot remusi wa5-11 Gunyana 2014

LEAVE A REPLY

Please enter your comment!
Please enter your name here

Latest articles

Plot to derail debt restructuring talks

THE US has been caught in yet another embarrassing plot to grab the limelight...

US onslaught on Zim continues

By Elizabeth Sitotombe THERE was nothing surprising about Tendai Biti’s decision to abandon the opposition's...

Mineral wealth a definition of Independence

ZIMBABWE’S independence and freedom cannot be fully explained without mentioning one of the key...

Let the Uhuru celebrations begin

By Kundai Marunya The Independence Flame has departed Harare’s Kopje area for a tour of...

More like this

Plot to derail debt restructuring talks

THE US has been caught in yet another embarrassing plot to grab the limelight...

US onslaught on Zim continues

By Elizabeth Sitotombe THERE was nothing surprising about Tendai Biti’s decision to abandon the opposition's...

Mineral wealth a definition of Independence

ZIMBABWE’S independence and freedom cannot be fully explained without mentioning one of the key...

Discover more from Celebrating Being Zimbabwean

Subscribe now to keep reading and get access to the full archive.

Continue reading