HomeOld_PostsMhodzi yehuori muZimbabwe

Mhodzi yehuori muZimbabwe

Published on

Nyaya iyi yakanyorwa naGolden Guvamatanga ikaturikirwa naRujeko Jangano

MUMAKORE mashoma apfuura nyika ino yakasangana nenyaya zhinji dzohuori kumativi ose eraramo.
Chiitiko chakadai chinonyanyonzwisisika kana takatarisa zvinhu zvaiitika munguva yohudzvanyiriri apo taiona kushandiswa kwechiokomuhomwe pamwe nezvinhu zvinobatika mukunyengera vana veAfrica kuti vatendere vachena kuita zvavanoda.
Izwi rokuti ‘Corruption’ (Huori) rinodudzirwa nebato reNGO rinonzi Transparency International sekuti kutadza kushandisa masimba nemazvo nokuda kwohumbimbindoga.
Izvi zvinorwadza munhu wese uyo anowana raramo kubva pahutungamiri hwakadai.
Munguva yakare pakatanga kutengeserana pakati pemamishinari navagari vemuno munyika madzimambo nevamwe vatungamiri vaibatirana pamwe nemamishinari muzvirongwa zvavo vachibatsirana kudzvanyirira ruzhinji.
Chiitiko ichi chakaitika zvakare panguva yekutapwa kwevana veAfrica apo tinoona vane masimba epamusoro vachi tora vanhu vaive vakagwinya, vane simba vachitengeswa senhapwa.
Mugwaro ravo rine musoro wenyaya wokuti Interogating our Past; Colonialism and Corruption in Sub Saharan Africa rakashambadzwa mugore ra1989 nebepanhau rinonzi The African Journal of Political Science (1998), Vol .3 No.2, Munyae M. Mulinge naGweni N. Lesetedi vanotaura kuti pamatanho ose akaitwa etsvakurudzo dzekwakabva mhodzi yehuori muAfrica.
Tsvakurudzo idzi hadzina kumboburitsa kuti huori hwakabva munhoroondo.
Vachinyora vakati pamatanho ose akatorwa mukuedza kutsvaga mavambo nokuenderera mberi kwehuori kuchamhembe kweAfrica akatadza kuburitsa kuti zvakabva mukuuya kwevasinamabvi.
Nhoroondo inotiudza kuti vachena vasati vauya muno munyika uye mari isati yaveko taive vanhu vainge vakavimbika uye vaiita zvinhu pachena.
Kuti huori huvepo kunotofanira kuva nemari inenge ichishandiswa munyika imomo.
Munguva yakare kwaisave nebudiriro yezvivakwa zvekuti vanhu vaite huori.
Budiriro yakaunzwa nehurumende dzevadzvanyiriri yakaita kuti kuve nemukana wekuvakwa kwezvivakwa zvaizoita kuti kuve nepokuitira huori.
Munyika dzakambotongwa navachena dzakaita seZimbabwe zvinhu zvinosanganisira kubhadharwa kwemitero kwakaunzwa nehurumende yechichena kwakaita kuti vatema vasarudze kushandira vachena vachipihwa mubhadharo wepasi.
Zvinhu zvaiitwa navachena zvakaita sokubhadharisa mitero ndizvo zvakakonzera kuvapo kwehuori.
Hurumende yehudzvanyiriri yainyanyorarama kuburikidza navatungamiri vechitema kunyanya madzimambo nevamwe vaive pahutungamiri hwokutora mutero.
Senzira yokukurudzira vanhu kuti vaunganidze mutero wakakura vachena vakaita kuti vatungamiri vechitema vatorewo chimwe chikamu chemutero uyu.
Tinoona zvakare kuti dzimwe Vasinamabvi vaishandisa nzira dzerusarura dzokufarira rumwe rudzi kudarika mamwe ose vopa masimba ohutongi kune rutivi rwavanenge vachifarira.
Vaye vanenge vari kurudzi rwusingafarirwi kuti vawane mabasa vaizoita chiwokomuhomwe kumutungamiri werudzi rwaifarirwa kunyaya madzimai vaivewo panguva yakaoma iyi.
Zvakakosha kuti tizive kuti panguva apo vasina mabvi vainge vasati vauya muno munyika huori hwaisatombozivikanwa.
Huori hwakabvisa vatema pahunhu hwavo.
Hwakabvisa kubatana, hwakabvisa hunhu muvanhu.
Hwakaunza kusawirirana kwemarudzi.
Kuvapo pari nhasi kwerusarura rwevasina mari nevane mari kunoratidza kuenderera mberi kwehuori hwakaunzwa navachena.
Kubva munguva yakare kusashandiswa zvakanaka kwamasimba kwakadzika midzi mumagariro eruzhinji sezvo vatungamiri vaishandisa zvinanho zvavo kuunganidza hupfumi hwavo.
Zimbabwe ndeimwe yenyika dzakasangana nezvakadai.
Nyaya yodzoka pakubatana nokuzvikoshesa.
Huori hunouya kuburikidza nekushaikwa kwekuzvikoshesa pamwe nokubatana.
Vazhinji ndofunga vanoyeuka nyaya yakaitika yeWillowgate Scandal mumakore a1990 zvakakonzera kusiya mabasa pamwe nokufa kwevakuru vehurumende.
Varume vainge vaine hunhu pamwe nokubatana ndivo vakasiya mabasa vamwe vakatorasikirwa nohupenyu.
Mugore ra2000 pakaunzwa zvimhingamupinyi muno munyika navachena pakave nekuvapo kwehuori hwakasimba.
Svondo rapfuura mutungamiri wenyika ino vaRobert Mugabe vakataura nezvevatungamiri vehurumende vari kuita huori.
Vakataura kuti vatungamiri vehurumende havafaniri kuita huori uye avo vanoonekwa vachiita izvi vachasungwa.
Mutungangamiri vaMugabe avo vaive vashanya nebasa kuChina kwesvondo rose panguva yavaiita hurukuro paterevhizheni yeGuangdong vakati isarudzo yemunhu kuita chakanaka kana chakaipa.
VaMugabe vakataura matanho anofanirwa kutorwa ayo akashamisa ruzhinji sokuti, pane zvakawanda zvinogona kuitwa mukupedza huori.
Vakati zvakare harisi basa rehurumende nevemutemo chete.
Vakati chokutanga vanhu vanofanira kudzidziswa chakaipa nechakanaka ndokusaka tichikurudzira kuti zvikoro namachechi zvinofanira kubatsira vanhu mukukura.
Vakati kunyangwe zvazvo vamwe vakadzidziswa asi vanhu vanotadza uye kuvarairwa vodzoka zvakare mukutadza.
Vakati kana paine anoziva vanhu vakamboba, vakamboita hutsotsi pakambani vanofanira kupihwa mutongo voendeswa kujeri uye avo vari muhutungamiri vanofanira kutungamira zvakanaka kuitira kuti vapihwe ruremekedzo nevavanotungamira.
Ndofunga zvave pachena kuruzhinji maererano nekwakabva huori, zvoda kuti isu tichenjerere maitiro memafambiro edu.
Nyaya iyi yakatorwa muThe Patriot remusi wa5-11 Gunyana 2014

LEAVE A REPLY

Please enter your comment!
Please enter your name here

Latest articles

Plot to derail debt restructuring talks

THE US has been caught in yet another embarrassing plot to grab the limelight...

US onslaught on Zim continues

By Elizabeth Sitotombe THERE was nothing surprising about Tendai Biti’s decision to abandon the opposition's...

Mineral wealth a definition of Independence

ZIMBABWE’S independence and freedom cannot be fully explained without mentioning one of the key...

Let the Uhuru celebrations begin

By Kundai Marunya The Independence Flame has departed Harare’s Kopje area for a tour of...

More like this

Plot to derail debt restructuring talks

THE US has been caught in yet another embarrassing plot to grab the limelight...

US onslaught on Zim continues

By Elizabeth Sitotombe THERE was nothing surprising about Tendai Biti’s decision to abandon the opposition's...

Mineral wealth a definition of Independence

ZIMBABWE’S independence and freedom cannot be fully explained without mentioning one of the key...

Discover more from Celebrating Being Zimbabwean

Subscribe now to keep reading and get access to the full archive.

Continue reading