HomeOld_PostsTsamba kumumiririri weBritain muZimbabwe

Tsamba kumumiririri weBritain muZimbabwe

Published on

Nyaya iyi yakanyorwa naGolden Guvamatanga ikaturikirwa naRujeko Jangano

REGAI ndibatane pamwechete nezvimwe zvizvarwa zvemuno munyika kukuchingamidzai muno muguta reHarare. Tinokuchingamidzai amai.
Ndinovimba kuti nenguva dzino matoona kare hudzamu hweushamwari hwevanhu vemuZimbabwe.
Zvinobata moyo kuziva kuti makaudza mutungamiri wenyika ino kuti chaive chishuwo chenyu kushandira muno munyika uye maitotarisira kushanyira nyika ino kuti mugoona chokwadi chiri mairi.
Amai Ambassador mauya muno munyika panguva yakakodzera zvikuru panhoroondo yenyika ino.
Mauya panguva apo Zimbabwe zvishoma nezvishoma iri panguva yokudzoreredza budiriro yayo kuburikidza norubatsiro rwuri kubva kunyika dzeRussia neChina.
Mauya panguva apo chirongwa chokuparadzwa kwezvimhingamupinyi zvakaunzwa nenyika yenyu chiri mudariro.
Mauya zvakare panguva apo nyika yenyu iri parumananzombe nenyaya yezvimhingamupinyi izvi.
Takaziviswa kuti hurumende yenyu yakapihwa zuva romusi waGumiguru 13 neveHouse of Commons yenyu kuti igotaura paimire maererano nezvimhingamupinyi zvayakaisa munyika yeZimbabwe.
Zvicharongwa nenyika yenyu zvinofanirwa kunge zvaita panguva apo musangano wekuBelgium usati waitwa.
Kunyangwe zvazvo pachiri pedyo kuti titaure pamire Britain maererano nezvezvimhingamupinyi zvavakaisa pane zvakawanda zvakaitwa neBritain zviripo zvinotaridza kunaka.
Chokutanga, chisungo chakaitwa nenyika yeBritain chokupa rubatsiro kuTrade Mission huru kanova kokutanga mushure memakore gumi vambomira zvokuita bhizimisi neZimbabwe.
Ichi chiratidzo chikuru sezvakataurwa nemutevedzeri wegurukota rezvekunze (Deputy Minister of Foreign Affairs) vaChristopher Mutsvangwa kuChatham House: Gungano rezvenyaya dzepasi rese mumasvondo mashoma apfuura.
Tinoda zviratidzo zvakanaka kwete zvakaipa zvinoramba zvichisunga budiriro yenyika ino.
Tinoda budiriro, tinoda shamwari kwete vavengi, tinoda kushanda pamwechete zvakaenzana kwete kudzvanyirirana.
Regai ndisimbise zvakare amai Ambassador kuti matanga basa renyu zvakanaka.
Chimwe chiratidzo chakanaka chakaitika mugore rino richitanga ndechakaitwa neEuropean Union Council apo yakabvuma kubvisa zvachose zvimhingamupinyi zvinokanganisa budiriro kuBrussels.
Amai Ambassador mauya kuZimbabwe panguva iyo hupfumi hwayo hwakaparadzwa nezvimhingamupinyi.
Mauya kunyika ine runyararo nerudo, nyika ine nzara nenyota yebudiriro.
Mauya kuZimbabwe yakaropafadzwa ine vatungamiri vakanaka uye mune vanhu vanoshanda nesimba.
Mukutaura kudai tinovimba kuti pamuchapa huchapupu hwenyu kuLondon muchataura kuti Zimbabwe haidi zvimhingamupinyi.
Ichokwadi takataridza hunyanzvi hwedu kuburikidza nohushingi hwakaratidzwa pazvimhingamupinyi zvatakaisirwa.
Kutaura kudai Britain iri kutora matanho akakosha mushure mokuziva hushingi hwedu.
Tinovimba kuti ticharamba tichivakiridza hukama hwedu.
Semuenzaniso tiri kusimbisa mabhizimisi kutaridza kuzvipira kwedu, UK iri kutumira gungano rezvekutengeserana mukupera kwemwedzi uno, inova yokutanga mushure memakore akawanda nedonzvo rokusimudzira pamwe nokutsigirana mune zvamabhizimisi.
Tinoda kukuzivisai Amai Ambassador kuti takatovamba kare matanho okuzvisimbisa uye tinoda kukuudzai kuti munofanira kuremekedzawo zvirongwa zvedu kunyanya chirongwa chokugova ivhu patsva, icho chinova mudzi weruvengo kunyika ino yeZimbabwe.
Tichabatsirana pazvinhu zvinounza kuenzana takatarisana nezvebudiriro pamwe nekuremekedza mitemo.
Rwiyo rwedu rwatiri kuimba mazuvaano runonzi Zimbabwe Agenda for Sustainable Socio-Economic Transformation(Zim-ASSET) ine mitemo inofanira kutevedzwa pamwechete nevanoita mabhizimisi muno munyika vachibva kune dzimwe nyika vane mitemo yavanofanira kutevedza.
Tichashanda tose ndokunge isu tapihwawo rukudzo.
Ndine mufaro mukuru nokuti makawirirana nechirongwa cheZim-ASSET.
UK pamwe nevamwe vemabhizimisi vokunze vanoona mukana wakakura wokuita mabhizimisi muno munyika asi vanoda kuziva nokunzwisisa kuti Zimbabwe inyika inoshandika nayo takatarisana nezvemitemo yamabhizisi.
Pakave nebudiriro pachikamu ichi pamwe nokuti hurumende inofanira kuzvimiririra nokugona kukwezva vemabhizimisi vekune dzimwe nyika sekutaura kwavaMutsvangwa.
Mamwe matanho okutanga akatotorwa neBritain anosanganisira kuwedzera chikamu chevanhu vanoendeswa kuzvikoro vanobva muno munyika mugore rinotevera.
Kukurudzira kudyidzana patsika nemagariro pamwe nedzidzo kuburikidza neBritish Council pamwe nokuenderera mberi kweUK kutsigira budiriro kunyika yeZimbabwe nemari inoita US$117 million iri kuunzwa kuburikidza neDepartment for International Development (DFID) kuti ibatsire mamiriyoni ezvizvarwa zvenyika ino kunyanya vana nemadzimai.
Chishuwiro changu ndechekuti kuuya kwenyu muno munyika kuunze hukama hwakanaka pakati penyika yeZimbabwe neBritain.
Nyaya iyi yakatorwa muThe Patriot remusi waGumiguru 10-16 2014.

LEAVE A REPLY

Please enter your comment!
Please enter your name here

Latest articles

Leonard Dembo: The untold story 

By Fidelis Manyange  LAST week, Wednesday, April 9, marked exactly 28 years since the death...

Unpacking the political economy of poverty 

IN 1990, soon after his release from prison, Nelson Mandela, while visiting in the...

Second Republic walks the talk on sport

By Lovemore Boora  THE Second Republic has thrown its weight behind the Sport and Recreation...

What is ‘truth’?: Part Three . . . can there still be salvation for Africans 

By Nthungo YaAfrika  TRUTH takes no prisoners.  Truth is bitter and undemocratic.  Truth has no feelings, is...

More like this

Leonard Dembo: The untold story 

By Fidelis Manyange  LAST week, Wednesday, April 9, marked exactly 28 years since the death...

Unpacking the political economy of poverty 

IN 1990, soon after his release from prison, Nelson Mandela, while visiting in the...

Second Republic walks the talk on sport

By Lovemore Boora  THE Second Republic has thrown its weight behind the Sport and Recreation...

Discover more from Celebrating Being Zimbabwean

Subscribe now to keep reading and get access to the full archive.

Continue reading