HomeOld_PostsDada nenyika yako

Dada nenyika yako

Published on

Nyaya iyi yakanyorwa naGenevieve Nkiwane ikaturikirwa naRujeko Jangano

ZVISINEI nematambudziko anosanganikwa nawo muno munyika ndinopa rukudzo rukuru kuvana veZimbabwe nokuda kwohushingi hwavo mukurarama.
Zimbabwe inyika yakanaka zvikuru ine vanhu vanoshanda nesimba pamwe nedzidzo yepamusoro.
Nhasi ndirikuda kutora rumwe rutsigiro rwenyaya yandiri kuda kutaura nezvayo kubva mukutaura kweruzhinji mumagungano akasiyana-siyana.
Nyaya yakanyanyondibata zvikuru ndeyekupomera VaMugabe mhosva pane kukanganisika kwose kuri kuitika muno munyika.
Nditendereiwo kuti ndikurukure nemi.
The Zimbabwean Patriots chikwata chandinovimba kuti chakavambwa mugore ra2013.
Ndakasarudza kubatana nechikwata ichi nokuti ndaida kukurukurawo nehanzvadzi pamwe navakoma vangu vaive muchikwata ichi.
Chinangwa nedonzvo revana Madenyika ndeichi:
Sevana veZimbabwe tinonzwa kudziirwa nerudo rwenyika yedu.
Munhu wega-wega anoda nyika yake akazvipira kuva nechikamu mukuunza budiriro kuti tive neZimbabwe iri nani.
Hatidi rusarura rwemarudzi kana kurwisana.
Tinoremekedza vatungamiriri vose vemapato ezvematongerwo enyika nyangwe anopikisa.
Tose tinofanira kuva nechikamu mukuunza runyararo, rufaro uye kunzwisisana pasina kupokana mukutaura zvisinei kuti tiri kugara kunzvimbo nenyika dzakasiyana.
Izvi zvinosanganisira panhaurirano dzezvitendero, nedzimwe dzetsika nemagaririro takatarisana nokuti Zimbabwe inyika ine marudzi akasiyana-siyana.
Tinokurudzira vechidiki kuti vasimbirire budiriro kuburikidza nokudzidza pamwe nokudzidzira mabasa ayo anozoita kuti vagone kutengeserana nevamwe pamwe nokuvaita vatungamiri vamangwana vakanaka.
Chikwata chedu chakasununguka kuti ani naani zvake anoda kuva muchikwata ichi anouya akasununguka pamwe nokukokawo vamwe.
Runyararo, mufaro zvinoita kuti pave nenyika yakanaka apo mwana wese weZimbabwe anogara nechiremera pamwe neramangwana rakajeka.
Zimbabwe senyika inorarama nenyika dzimwe dzapasi rose zvinoreva kuti zvido zvedu pamwe nehurukuro dzedu dzinofanira kubatawo dzimwe nyika dzatinorarama nadzo.
Zimbabwe senyika ine ndudzi dzakasiyana-siyana tinofanira kubatana mune zvose zvatinoita.
Munhu wose anokokwa uye akasununguka kuva mumwe wechikwata ichi.
Ichokwadi kuti chinyorwa ichi chine hudzamu.
Svondo rino ndakashamisika zvikuru pandakasangana neimwe hurukuro yainge yakanangana nomutungamiri wenyika vaMugabe.
Avo vanova ivo chete mutungamiri wenyika vakakwanisa kuenda kunyika yeMalawi kunopemberera navo makore makumi mashanu mushure mokunge vawana kuzvitonga kuzere.
Handinyare kutaura pachena zvimwe zvezvinhu zvaitaurwa nevana veZimbabwe pahurukuro iyi.
Zvaisvodesa kuona kuti zvimwe zvezvinhu zvainyorwa nevana vevhu zvairatidza kusakwana mupfungwa uye kurasika hunhu.
Neiko vanhu vachipomera mhosva vaMugabe pane chakaipa chose chinoitika muno munyika?
Chinonyanyosuwisa ndechekuti pahurukuro dzose idzi hapana kana mumwechete akataura nezvekuti panosvika mwedzi waNyamavhuvhu Zimbabwe ndiyo ichange yave kutungamira musangano weSADC vachida vasingadi saka zvainge zvakatokodzera kuti vaMugabe vaende kuMalawi sezvo vari ivo vanenge vave kutora chidanho chehutungamiri hwemusangano weSouthern African Development Community (SADC).
Ndinoda zvakare kuyeuchidza vakoma nehanzvadzi dzangu kuti mugore ra2015 ndisu zvakare tinenge tave kutungamira musangano weAfrican Union (AU) uye vaMugabe vachaenda kuAddis Ababa kunoita musangano uyu.
Vachapikiswa zvakare here nokuenda kumusangano uyu?
Semagariro pazviitiko zvakadai unotoona ivo vana veAfrica kutonyanya zvizvarwa zveZimbabwe zvichitopikisa nokushoropodza mutungamiri wavo.
Ndivo zvakare vana vevhu vari mhiri kwamakungwa vanozviita vangwaru asi vachitadza kudzoka kumusha kuzogadzirisa nyika yavo.
Yambiro yangu kune vechidiki vanova ivo ramangwana renyika kuti vambogara pasi vatarire kwatakabva uye kwatakananga senyika.
Ndichipendera sevana veZimbabwe sezvo nyika yedu iri kuramba ichisimukira nedonzvo rokuva kumberi zvisinei nokushoropodzwa pamwe nokudzikisirwa nevasinamabvi nemhaka yokutora kwatakaita minda yedu.
Tinofanira kuramba tichipemberera budiriro yedu.
Kupakwashe naTapiwanashe vakazvarwa vari mapatya akabatana.
Vakazvarwa mumwedzi waKubvumbi 22 muguta guru reHrarare nemhuri inobva kwaMurehwa.
Vakazopatsanurwa nechikwata chanachiremba chinokwana makumi mashanu.
Baba vevana ava, Moses Chitigo vanoita basa rokutengesa michero nemuriwo.
Chinofadza panyaya iyi munhoroondo yeZimbabwe ndechekuti chiitiko chose ichi chakaitwa navana chiremba vemuno munyika chete.
Chiremba Bothwell Mbuvayesango aive mumwe wechikwata ichi akapa ruremekedzo mukubatirana kwechikwata ichi.
Mapatya aya akazoiswa kuchipatara cheHarare Hospital Intensive Care Unit, uko vari kuongororwa hutano hwavo.
Mutevedzeri womutungamiri webazi reHutano nokurerwa kwevana, Dr Paul Chimedza vakati chiitiko ichi chataridza kuti Zimbabwe inyika ine vana chiremba vanogona kukwikwidza navamwe vanachiremba vedzimwe nyika pasirose.
Tinofara zvikuru nechiitiko ichi uye zvakakosha kuti tive nenyaya dzakadai dzine huremu pane kusweroshoropodzana zvisisna maturo.
Izvi zvakakosha tichitarira kuti chipatara ichi Harare Hospital chinogona kusave nezvekushandisa zvakakwana asiwo apa taona kuti chine vanhu vakadzidza vakangwara vanoziva basa ravo.
Nyaya iyi yakatorwa muThe Patriot remusi wa Chikunguru 25-31 2014.

LEAVE A REPLY

Please enter your comment!
Please enter your name here

Latest articles

Plot to derail debt restructuring talks

THE US has been caught in yet another embarrassing plot to grab the limelight...

US onslaught on Zim continues

By Elizabeth Sitotombe THERE was nothing surprising about Tendai Biti’s decision to abandon the opposition's...

Mineral wealth a definition of Independence

ZIMBABWE’S independence and freedom cannot be fully explained without mentioning one of the key...

Let the Uhuru celebrations begin

By Kundai Marunya The Independence Flame has departed Harare’s Kopje area for a tour of...

More like this

Plot to derail debt restructuring talks

THE US has been caught in yet another embarrassing plot to grab the limelight...

US onslaught on Zim continues

By Elizabeth Sitotombe THERE was nothing surprising about Tendai Biti’s decision to abandon the opposition's...

Mineral wealth a definition of Independence

ZIMBABWE’S independence and freedom cannot be fully explained without mentioning one of the key...

Discover more from Celebrating Being Zimbabwean

Subscribe now to keep reading and get access to the full archive.

Continue reading