Nyaya iyi yakanyorwa na Netho Francisco ikaturikirwa naRujeko Jangano
KUMUSANGANO wechirwere chemukondombera wakaitirwa kuMelbourne kuAustralia mumwedzi waChikunguru gore rino, Zimbabwe yakazvipira pamwe nedzimwe nyika dzepasi rino kupedza chirwere chemukondombera mugore ra2030.
Zvakadaro vamwe vaongorori vakatotanga kutaura –taura maererano nekuzvipira uku vamwe vachiona sezvisina pundutso.
Vachitaura vanoti hazvisi kuzombofa zvakabudirira.
Zvisinei vanhu vakadai vanotoda kuregererwa nokuti havanzwisisi kuti zvinorevei kana kuchinzi kupedza chirwere cheAIDS mugore ra2030.
Muhurukuro dzakaitwa pakati pebepanhau reThe Patriot nemutungamiri weNational Aids Council (NAC) chiremba Tapuwa Magure vakati vanhu varikurasika maonere maererano nemashoko anoti kupedza chirwere cheAIDS mugore ra2030.
Vakataura vachiti kana vachiti kupedza chirwere cheAIDS mugore ra2030 zvinoreva kuzvipira kuderedza hutachiwana uhu nechikamu chakakura zvikuru.
Zvichireva izvo kuti tinenge tave nezvikamu zvinosvika makumi mapfumbamwe kubva muzana zvevanhu vakaongororwa hutachiwana, makumi mapfumbamwe kubva muzana evanhu varikunwa mapiritsi uye makumi mapfumbamwe evanhu vari pamapiritsi vanenge vave nehutachiwana hushomanani.
Zvinorevazve zvekare kuti tinenge taderedza ndufu dzinokonzerwa nechirwere ichi pamwe nokuderedza kubatira chirwere ichi nechikamu chimwe chete zvakare.
Dr Magure vakati kana zvinhu izvi zvikakundika chikamu chinopfuura makumi manomwe kubva muzana chevanhu vane hutachiwana uhu vanoderedza hutachiwana izvo zvinoita kuti ndufu dzinokonzerwa nechirwere ichi pamwe nokupararira kwechirwere kuderere.
Kana chikamu chinoita makumi mapfumbamwe kubva muzana chevanhu vanorarama neAIDS chikararama zvinoreva kuti mukondomdera unenge usisiri dambudziko huru kuruzhinji sezvavaimboita kare.
Musangano weUNAIDS vakati kuti chikamu ichi chibudirire, chikamu chevanhu vanorapwa chinofanira kuwandudzwa.
Parizvino chikamu chinoda kuita makumi matatu nemanomwe kubva muzana chevanhu vari kurarama nehutachiwana hweHIV pasirose vari kuwana mapiritsi.
Sangano rinoona nezveAIDS muno munyika reNational AIDS Council rakati donzvo rokupedza chirwere ichi mugore ra2013 rinogona kubudirira nokuti nyika ino iri kuita basa guru mukuedza kuwanisa mishonga kuvarwere veAIDS.
Chikamu chinokwana kuita zviuru mazana manomwe kubva pavanhu 1,4 miriyoni vane chirwere varikuwana mishonga yechirwere ichi.
Chikamu chevanhu varikubatira chirwere ichi vaderera nechidimbu tichienzanisa nemakore mashanu apfuura.
Mutungamiri weNAC pakutariswa nekuongororwa kwechirwere vaAntony Mpofu vakati vanhu vari kurarama neHIV/AIDS vanofanira kutevedza zvinodiwa nemapiritsi avanonwa kuitira kuti kusave nokumanikidzika mukurapwa kwavo.
Pakave nokushushikana zvikuru mushure mokuonekwa kuti chikamu chinoita makumi maviri kubva muzana hachisi kutevedzera zvinodiwa nemapiritsi .
Zvisinei kuti nyika ino yakave nebasa guru mukusimudzira kurapwa kwevanhu maererano nechirwere ichi vamwe vanhu havasi kutevedza nemazvo marapirwe acho, izvo zvinogona kuita kuti kuve nemamwe matambudziko anosanganisira kufa kwavanhu vazhinji.
Kutadza kutevedzera mararamire akanaka kunogona kukonzera kusashanda kwemapiritsi kwakanaka uko kunozoonekwa nekudzikira pahutano uye kukundwa simba kwemapiritsi nehutachiwana izvo zvinozodhura kuti munhu awane kurapwa.
Zimbabwe ndeimwe yenyika dzemuAfrica dziri kuwana pundutso mukuderedza chirwere ichi.
Tichitarisa mamirire ezvinhu parizvino chikamu chemadzimai akazvitakura ane hutachiwana vari kuwana mishonga yokudzivirira kutapuriranwa kwechirwere kubva kuna amai chichienda kumwana chakwira kubva pamakumi maviri nepiri kubva muzana mogore ra2011 kusvika pazvikamu makumi mapfumbamwe netatu kubva muzana mugore ra2013.
Pakave nokuderera kukuru kwazvo pavanhu vakuru vane hutachiwana kubva pazvikamu zvishanu nechidimbu kubva muzana mugore ra1999 kusvika pachidimbu chimwe kubva muzana mugore ra2013.
Shanduko iyi yakonzerwa nekukura pamwe nokunzwisisa kweruzhinji maererano neHIV.
Vana vadiki vari pasi pemakore makumi mashanu vari kubatira hutachiwana vaderera izvo zvakonzerwa nokuderera kwemadzimai vari pazera rokuzvara vane hutachiwana pamwe nokuwanikwa kwezvidziviriro zvehutachiwana pakati pamai nemwana.
Nyaya iyi yakatorwa muThe Patriot remusi waGunyana 19-25 2014.