HomeOld_PostsMatambudziko emuno haasi matsva

Matambudziko emuno haasi matsva

Published on

Nyaya iyi yakanyorwa naChakamwe Chakamwe ikaturikirwa naRujeko Jangano

VANHU vakawanda vakaverenga mapepenhau esvondo remusi wa Ndira 25 emuno ayo anotungamirwa nevarikunze kwenyika, vanogona kutenda kuti mutungamiri wenyika ino VaRobert Mugabe vakaitwa musungwa nevanhu vekunyika yeZambia muguta guru reLusaka.
Zvakadaro takaita ongororo yechokwadi chakaitika kuLusaka zvakaonekwa kuti pane bepanhau rakawedzera manyepo mukunyora kwaro mushure mokunge bato rinopikisa hurumende raita chiratidziro kuZambia.
Kuratidzira uku kwaive kudiki kwazvo tichienzanisa nekugamuchirwa kune mukurumbira kwakaitwa VaMugabe nezviuru zvavanhu pachiitiko chokugadzwa kwemutungamiri mutsva wenyika yeZambia VaEdgar Lungu.
Kana tikanyatsotarira tinoona kuti vanhu vakaratidzira ava vaiva chikamu chimwe-chete kubva muzana zvichitaridza zvazvo kuti paisave nenyaya yekutaura nezvayo.
Zvakadaro taona zvakakodzera kuti tichenure nyika yedu kuitira kuti mapepanhau anotungamirwa nevari kunze kwenyika aregedze kuramba achisvibisa zita redu.
Pakuburitsa chokwadi tirikuda kushandisa mashoko asiri echokwadi aya akaburitswa nemapepanhau aya tichienzanisa nezvinotaurwa nenyika dziri kunze.
Zuva roga-roga mapepanhau emuno munyika anotungamirwa nenyika dzokunze anotaura zvisizvo maererano nebudiriro yeino nyika.
Kurutivi rwavo rwekutanga kune budiriro yepasi rose iyo yavanoti izere nechiedza nekurumbidzwa kukuru.
Kune rimwe rutivi zvakare kune nyika yeZimbabwe yavanoti izere nenyonga-nyonga, kushaiwa budiriro pamwe nehutungamiri hwakaipa pamwe nezvimwe zvakadaro.
Chingotarira chete zvakanyorwa musvondo rapera chete nebepanhau reThe Independent remusi wa Ndira 23 2015.
“Zimbabwe inyika izere nehupfumi asi zvakadaro muzinda wenhamo nematambudziko.
“Vanhu vemo varikuchemera budiriro inounzwa nevanhu vekune dzimwe nyika kuti vagone kubuda mumatambudziko ayo ehupfumi.”
Ndirikutopererwa nemashoko kuti vanhu ava vari kutaura nezveZimababwe ipiko?
Handifungi kuti vari kutaura nezveZimbabwe yandinoziva iri pakati peZambia neLimpopo iyo inoonekwa vanhu vakaita sevakomana vanoshanda mumabindu nevasikana vanoshanda mudzimba vachichovha dzimotokari.
Tikatarira zvakare kumaruwa munhuwo zvake anorarama nokurima agere pamusha ane hupfumi hunoti, mombe, mbudzi, huku pamwe negoho rokudya nemhuri yake.
Kana vanhu vanoti, mukomana wepamba, mutengesi womumugwagwa, murimi wokumusha, vose ava vanoshanda mabasa akadzika asi vane zvose izvi zvavanazvo zvinoreva kuti ndinotofanira kumbodzokera zvakare kuchikoro kunodzidza mutauro wevachena unova chirungu nokuti handichanzwisisa zvavanotaura.
Kana vemabhizimisi vekunze kwenyika vakaisa mari inosvika mamiriyoni sezvakaitwa nevanhu venyika yeChina kuKariba mukugadzirwa kwemagetsi zvakaita kuti magetsi anogadzirwa awedzere nechikamu mazana matatu (300 megawatts).
Pakadai apa ndopowonzwa vamwe vanhu vachiti hapana zviri kuitika.
Pakadai apa tinobva tatadza kuziva kuti vanhu ava vari kugara pasi pano here kana kuti kumwedzi chaiko?
Hupfumi hwepasi rose hauna kugadzikana.
Bhanga guru repasirose rinonzi World Bank rakaburitsa mashoko emamiriro anenge akaita zvinhu mugore ra2015 maererano nehupfumi.
Mashoko akabuda anoti, hupfumi hwepasi rose huchange hwakaderera izvo zvinotsigirwa nevamwe vanoona nezvehupfumi.
Chikamu chezvezviwanikwa nezvicherwa chakaburitsa kuti mitengo yezvicherwa ichange yakaderera kanova kekutanga mushure memakore mashanu.
Muenzaniso mukuru ndewemafuta.
Saka mamiriro ezvinhu akadai pasi rose ane chii chokuita neZimbabwe?
Kana chicherwa chepuratinamu (platinum) chichaderera mutengo sekutarisirwa kwazvirikuita, pakadai apa zvinei nechekuita nevatungamiri venyika ino?
Pane nyaya yokuderera kwehupfumi hwenyika pasi rose asi nei zviri kutorwa sokunge Zimbabwe ndiyo chete ine dambudziko iri?
Dambudziko rehupfumi ririkuda kutogadziriswa pasi rose kwete muZimbabwe chete.
Tine zvakare dambudziko remagetsi.
Bato reMDC pamwe nemapepanhau anotungamirwa nenyika dzokunze vane vavariro yokukanganisa pfungwa dzevanhu.
Vanoda kupa vanhu pfungwa yokuti dambudziko remagetsi riri munyika muno chete.
Nyika dzinoti South Africa neBotswana dzine dambudziko remagetsi zvakare.
Kune dzimwe nyika dambudziko rekudzima kwemagetsi rakatokura kupfuura muZimbabwe.
Mapepanhau emuno munyika anotungamirwa nevekunze anofanirwa kupepuka.
Panzvimbo yekutaura nezvenyika ino zuva nezuva vanofanira kunyora zvinhu zvakanaka.
Musvondo rimwechete rapfuura pane chikwata chakabva kuFrance kuuya kuzounza budiriro muno munyika.
Ichokwadi kuti hupfumi hwenyika hauna kumira zvakanaka asi tikatarira tinoona kuti pane zvinhu zvakawanda zvakanaka zviri kuitika muno munyika!
Nyaya iyi yakatorwa muThe Patriot remusi wa Ndira 30 2015.

LEAVE A REPLY

Please enter your comment!
Please enter your name here

Latest articles

FOZEU’s call for strike…an attempt at provoking anarchy

By Elizabeth Sitotombe IN an attempt to sow anarch across the country by calling for...

Chitepo’s fight for land

This story was first published on 21/03/2016 By Patience Rusare LAND ranked highest among the grievances...

Winning mindset in post-elections

WE, in the village, are known for our resilience, we never give up and...

Import of US illegal sanctions

By Jonathan N. Moyo TWENTY-ONE years ago, on March 6 2003, US President George W....

More like this

FOZEU’s call for strike…an attempt at provoking anarchy

By Elizabeth Sitotombe IN an attempt to sow anarch across the country by calling for...

Chitepo’s fight for land

This story was first published on 21/03/2016 By Patience Rusare LAND ranked highest among the grievances...

Winning mindset in post-elections

WE, in the village, are known for our resilience, we never give up and...

Discover more from Celebrating Being Zimbabwean

Subscribe now to keep reading and get access to the full archive.

Continue reading