Pudzumu yarira mhere
Kunze kuchakati unerere rasvika shoko neunjenjemera
Shoko robaya mwoyo semunondo kukwepa
Ukuwo richipisa semoto ndoringaringa mukutambura
Ndotsvanzvadzira sendiri murima
Kushaya nepekutangira ndaremerwa
Nhai Mwariwe madarirei kutiseka mavende
Nhai Nyadenga mati tidiiko zvamatitibikira noruzarima?
Hatione Ishe, hatione matibvisa meso
Chionai kudzungaira kwava matiri
Matitorera mhare yedu kani, inga matipusisa
Kana nepekubata hatichaziva tongogugudzira sehuku yatorerwa nhiyo dzose negondo
Inongogugudzira pasina anotsinhira
Ramangwana redu hwonge upenyu hwamarengenya
Tochema naani mwenje wadzima?
Tomira naani baba vaenda
Zvavarivo vakatipa shungu tikapindawo mundima
Muzvikoro zvinyorwa zvavo gumi nefararira
Vazhinji vaumbi venyika vakafamba nenzira yavo
Nhasi Gomorrah raondomoka varume ndoridze mhere
Nhasi wedu mumvuri watiza sare tava pamhene gwee
Samatenga madarireiko kutigura kunorira?
Taiti baba vachanaya imi mavafungira padzamu
Todokwaira nenyota matibvutira mukombe uri pamuromo
Zimbabwe maoko adzudza yasara pachena VaMungoshi vatungamira ini ndoridze mhere
Asi izwiro rabva kure roti mwana weZimbabwe nyarara
Baba VaMungoshi
semuumbi wehari vatisiira nhaka nhasi!
Poem by
Simbarashe Kavenga,
Mutare.