HomeOld_PostsNgatiremekedzei mureza weZimbabwe

Ngatiremekedzei mureza weZimbabwe

Published on

Nyaya iyi yakanyorwa naTatenda Gapa ikaturikirwa naRujeko Jangano

PAKASVIKA chikwata chePioneer Column muno munyika mugore ra1890 pamwe nekugara kwakaita Lieutenant Edward Tyndale Bisccoe kuKopje kanova kachikomo kari muHarare vachiyeva dhorobha reSalisbury chakava chiratidzo chokupambwa kweivhu, zvaireva kuti nzvimbo iyi yainge yave yavo.
Union Jack yakave zvakare chiratidzo chokuti ivhu rainge rabiwa, rainge rava remabhunu uye vamwe vose vaizotevera vaizotora Zimbabwe senyika yakatapwa neBritain.
Senzira imwechete yakashandiswa pashiri yenyika ikagadzikwa kurusvingo rweZimbabwe pamwechete nezvimwe zvivezwa zvakava zviratidzo zvakaburitsa pachena hukoshi hwevana veZimbabwe uye mabhunu akaziwa hukoshi uhu vakabva vasarudza kusazvitarisa.
Zviratidzo zvenyika ino yeZimbabwe zvakazivikanwa muzana remakore apfuura panguva apo hutapwa hwevachena hwainge huri pamusoro uye zvaiitwa senzira yekutarisira pasi zita revana veZimbabwe sezvo shiri dzaikosheswa zvikuru muhutongi.
Kuwanikwa kweshiri iyi pamureza weZimbabwe kunoburitsa hukoshi hwayo munhoroondo yenyika ino.
Mureza wenyika hausingori chiratidziro chisina basa, mureza uyu une hukoshi munyika medu.
Zvakakosha kuziva kuti mavara ari pamureza weZimbabwe anorevei kuitira kuti vanhu vazive hukoshi hwekwatakabva zvoita kuti tizive kwatakananga.
Mureza unomiririra nyika uye unoreva kubatana.
Kune vamwe vanhu, mureza unopa rudadiso apo pavanozvifunga pamwechete nevamwe vavo maererano nerwendo rwavakafamba nekufa kwevamwe vavo murwendo rwekusunungura nyika yavo.
Mureza weZimbabwe une nyaya yakazvimirira yega.
Mamborume Charles akaenda kuEngland nechinangwa chokuunganidza Union Jack panguva yaigadzirwa mureza weZimbabwe zvichireva kuti mureza weZimbabwe ndewemhando yepamusoro.
Mureza weZimbabwe wakagadzirwa nemitsetse minomwe inosanganisira ruvara rweyero, rutsvuku, rutema, ruchena, rwegirini pamwechete neshiri yeZimbabwe.
Zvose zviri pamureza uyu zvakabvumiranwa musi wa Kubvumbi 18 1980 panguva yakawana nyika ino kuzvitonga kuzere.
Ruvara rwegirini rwuri pamureza rwunomirira zvirimwa zvenyika pamwe nezviwanikwa.
Murangaridzo wekukosha kweivhu iro rakapihwa vanhu vatema kuburikidza nehondo yerusunguko pamwe nechirongwa chekugova ivhu patsva.
Ivhu rakaorera parinhasi rave mumaoko ezvizvarwa zveZimbabwe izvo zvasiyana nekare apo vainge vakarasirwa kugwenga.
Ruvara rweyero runomirira hupfumi hwezviwanikwa zvezvicherwa zvinosanganisira, goridhe, ngoda, kiromu, sirivha pamwe nezvimwe zvakadaro.
Hupfumi huzhinji hwezvicherwa ndihwo hwakaita kuti Ian Smith aite Unilateral Declaration of lndependence (UDI).
Ruvara rustvuku rwuri pamureza wedu chiyeuchidzo cheropa rakadeuka muChimurenga Chekutanga neChepiri, ropa revanakomana nevanasikana veZimbabwe vakazvipira hupenyu hwavo kumirira ramangwana renyika ino.
Ruvara rutema runomiririra ganda reruzhinji, rudadiso rweAfrica.
Vatema vaive nevamiriri vashoma sezvo vainzi vainge vasina kodzero munguva yehutongi hwevachena.
Ruvara rutema mucherechedzo wekusimuka kwevatema vachitora zvinzvimbo zvavo sezvo vaimbotorwa sevanhu vepasi.
Ruvara ruchena runomirira runyararo nerusununguko rwakawanika muno munyika.
Shiri chidzitiro cheino nyika, mufananidzo weshiri uyu wakatorwa kubva kurusvingo rweZimbabwe mumakore a 19 senjuri uye shiri idzi dzine zvadzinoreva kuvanhu vemuZimbabwe zvichibva munhoroondo yenyika.
Nyenyedzi tsvuku iyo yakatenderedza shiri inomiririra zvidokwa dokwa zvenyika, hukama nedzimwe nyika, ramangwana rakajeka izvo zvinokwanisa kunzwisisika chete kana munhu akaziva simba rakaunzwa nekusununguka kwenyika ino pamwe nokutambudzika kwakasangana nezvizvarwa zvenyika ino.
Zvakadaro kuremekedza mureza wenyika chiitiko chinowanika kunyika zhinji kwete muZimbabwe chete.
Pane zvinhu zvinofanirwa kutevedzerwa pakusimudzwa kwemureza.
Chekutanga mureza haufaniri kugunzva pasi, kana uchinge wasakara unofanirwa kuparadzwa nenzira inoremekedzeka.
Musi waNyamavhuvhu 7 1980, mushakabvu Samora Machel aive mutungamiri wenyika yeMozambique akapa mashoko aienderana nemureza wenyika ino akati, mureza weZimbabwe unobata marudzi akawanda, hauna rusaruraganda rwekuti vatema kana vachena.
Zvakadaro ngatiremekedzei mureza wedu.
Nyaya iyi yakatorwa muThe Patriot remusi waChikumi 19-25 2015.

LEAVE A REPLY

Please enter your comment!
Please enter your name here

Latest articles

Plot to derail debt restructuring talks

THE US has been caught in yet another embarrassing plot to grab the limelight...

US onslaught on Zim continues

By Elizabeth Sitotombe THERE was nothing surprising about Tendai Biti’s decision to abandon the opposition's...

Mineral wealth a definition of Independence

ZIMBABWE’S independence and freedom cannot be fully explained without mentioning one of the key...

Let the Uhuru celebrations begin

By Kundai Marunya The Independence Flame has departed Harare’s Kopje area for a tour of...

More like this

Plot to derail debt restructuring talks

THE US has been caught in yet another embarrassing plot to grab the limelight...

US onslaught on Zim continues

By Elizabeth Sitotombe THERE was nothing surprising about Tendai Biti’s decision to abandon the opposition's...

Mineral wealth a definition of Independence

ZIMBABWE’S independence and freedom cannot be fully explained without mentioning one of the key...

Discover more from Celebrating Being Zimbabwean

Subscribe now to keep reading and get access to the full archive.

Continue reading