By Anesu Chakanetsa
NDIKARANGARIRA mugore rezviuru zviviri, gumi ne sere (2017)
Takaenda kumakundano eAFCON tinana vanaMukuruva
Avo vaiona huruva
VaRiyad Mahrez vachirova mabhora aicheka kunge reza
Zvaitoda vaMapeza.
Hupenyu hwakange hwakaoma tinaHardlife Zvirekwi nana Muroiwa
Tichiita setakaroiwa
Nhamoinesu, Costa Nhamoinesu vachipotsa
Vatevedzeri vebhora vachiona bhachi ravaPasuwa vakasuwa
Vana Katsande vasingashande saKante
Zvaitoda Mhofu
Tava mugore rezviuru zviviri gumi nepfumbamwe (2019)
Masamba akachinja
Ini zvakawanda handidi kutaura kana kuita
Ijipita tirikunoirikita
DRC vakomana vemusambo werhumba tirikuvaendesa kumba
Hatitaure zveUganda haiwa tinovakanga
Hapana rinogohwa pamukova wavaChigova
Haiwa tinovarova, kana zvanetsa anonyepera kukuvara vana chiremba vonyepera kutovatova.
Ko vanenge vadarika sei panaDarikwa
Vanenge vatodimurwa naMudimu
Vopedziswa nomuseve unobva kunaHadebe
Imi veIjipita, vatambi unganidzai Muhammed Salah rumbidzai
Isu hatitye tine chedu chikomana Pfumbidzai
Kumashure munenge muchidzingwa naDzingai
Mushamarari achiita bhora rekuparidza saMarakai
Kana rikatambwa madeko
Ndiani unoda kurwisana naDeco
Chikomanana Danny Phiri chinokava vamwe zvinovava kunge mhiripiri
Chichiona Bollasie seshiri
Ndianiko uyo, unoda kupinda pamukoto wavaKamusoko muera Soko
Motsi vakaiswa mumusoro.
Rume iri, rinoita kupira bhora sokunge simba rinobva mumotsi,
Bhora richienda pana Munetsi.
Kuganza here nhai Uganda?
Unode kuhamba ngepana Nakamba
Hautye here kupambwa?
Kana kunzvengwa ndiKhama?
Chikomana Billiat chine munyati wekunzvenga munhu kunze nemukati
Madeko kana masikati
VeIjipita vanenge vongoti nemadziro kwati kwati
Richatambwa manheru
Muchamuona Karuru
Chikomana chinorwadza vedzimwe nyika sekaturuturu
Aiwa uyu mukuru
Mamvema achiita kupeta semuswe wegudo guru
Zviya zvakaimbwa naTuku
Imi varume, pachafiwa
Bhora richikaviwa nava Chawapiwa
Vopindurwa pindurwa senyama yekugocha yakanikwa
Vamwe varume kumba vachirambiwa
Hanzi naadzimai murikunoonereyi bhora ndoda kudzisiwa
Vachamanya sokunge mahachi
Chikomana Mahachi chichirova matachi
Munenge musati mati
Nekuti rinenge risati rasvika pana vaMusona
Chikomana chinogona
Chinonzvenga vanhu vachidonha
VeIjipita muromo vachisona
Vakuru veFIFA vachiona
VaMourinho vari mhiri kwemakungwa vachifona
Hanzi Musona, wachembera hako asi tavakutokusona
VeDRC neUganda vachaenda kumawere navaKadewere
Bhora vachiriti mugedhi pfee
Muzvinapembe achiridza pembe tsvee
Vana Romario Musekiwa vachiimba yave nyama yekugocha yowerere
Anenge ari makuwerere
Apo Chipezeze anenge achivazezesa
Varume panerume rinonzi Sibanda
Ndarishaira waro mupanda
Bhora rinokanda
Nemakumbo richiita kutanda
Aiwa harisi danda.
Ko rimwe rinonzi Mushekwi, musharukwa unorova mvema ino sheka mambure zvisionekwi
Ndati vachanongeswa nhoko naNox
Vosikizwa-sikizwa neku sikwa-sikwa sesadza navaRusike
Moto vachisika
Vachitinywa sedzvinyu naKutinyu
Vachiitwa somupunga
Kutungwa naLunga
Ko ivo Mhofu harisibofu
Vanotopisa kunge chitofu
Makavaona here vakomana paNigeria
Vakamiswa makondo vakaora moyo saNeria
Vachifunga kuti vachaita zvegore riya
Izvo zvakaita kuti MuzvinafundoJonathan Moyo vade kupedza basa rava Charles Mabika
Varoyi veko vakanayisa mvura yainhuwa seziya
Asi vakafambwa nevakomana vavaisaziva
Tinoti tambai bhora
vakomana!