Nyaya iyi yakanyorwa naMaidei Magirosa ikaturikirwa naRujeko Jangano
KWANZAA chiitiko chekupemberera kubatana kwevanhu vedunhu reAfrica vagere kuAmerica.
Mhemberero idzi dzinoitwa kubva musi wa26 Zvita kusvika musi wa1 Ndira.
Chiitiko ichi chakavambwa naChiremba Maulana Karenga mugore ra1966 apo vaive mutungamiri weBlack Studies Department kuYunivhesiti yeCalifornia.
Vaive neshuwiro yakakura kwazvo yokusunungurwa kwavatema maererano nezvitendero, tsika nemagariro pamwe nezvematongerwo enyika.
Zvizvarwa zveAfrica zvinogara kune dzimwe nyika dzisiri mudunhu rino dzaimanikidzwa kupemberera zororo pamwe nezviitiko zvekuvachena idzo dzinova tsika dzinodzikisira hunhu nezita redu sevana veAfrica.
Pamusoro pazvo tsika dzavachena idzi hadziremekedzi chitendero chedu chechivanhu icho chaitopembererwawo.
Chitendero chedu ichi chinotorwa navachena semadhimoni.
Kwanzaa yakabatsira zvizvarwa zveAfrica zviri kunze kwenyika kuziva nokusimudzira kupembererwa kweKisimusi pamwe neGoredzva nemutowo weAfrica kwete wevachena.
Chinangwa cheKwanzaa chakatorwa kubva pachiitiko chemuAfrica chekupemberera goho rokutanga.
Paakavamba Kwanzaa chinangwa chaKarenga chaive chokusimudzira tsika dzeAfrica kunyika dzavachena idzo dzizere navatema.
Karenga ndemumwe wevatungamiri veBlack Movement mumakore a1960 uye akavamba zvakare musangano unonzi ‘US’zvichireva kuti “isu vanhu vatema” (Us Black People).
Karenga akabatsira zvakare pakuvambwa kwemusangano wemubatanidzwa unodaidzwa kunzi Association for the Study of Classical African Civilasations(ASCAC) rinova sangano rakazvipira kubatsira mukupa ruzivo maererano nezvidzidzo zvemuAfrica.
Karenga akashinga kupikisa tsika dzeAmerica dzechitendero chechiKirisitu, kudzikisirwa kwerudzi rweAfrica, hudzvanyiriri pamwe nokusatengwa nokuremekedzwa kwezviwanikwa zvomuAfrica.
Mhemberero dzeKwanzaa dzinopenderwa nokupemberera ‘Nguzo Saba’ zvichireva kuti dzichiri kuitwa nemazvo sezvo dzichitsigira hunhu netsika dzeAfrica sezvinotarisirwa.
Nguzo Saba zvinoreva mwoyo unochengetedza tsika nemagariro zveAfrica.
Mwoyo uyu wakaumbwa nezvinhu zvinoti,Umoja (kubatana), Kujichagulia (kuva pachinangwa), Ujima (kubatirana pamabasa), Ujama (mushandirapamwe webudiriro), Kuumba (kugona kufunga zvitsva), Purpose (chinangwa) pamwechete neFaith (kutendeka).
Zuva nezuva, Kwanzaa yakazvipira kuchengetedza pamwe nokuita zvinhu izvi zvinogadzira Africa yakanaka.
Vamwe vanhu vanotora Kwanzaa semusangano unopikisa chiKirisitu nokusatenda kuti Jesu vakauya kuzosuka zvivi zvedu.
VaKirisitu vanotora Kwanzaa semadhimoni akauya kuzokurudzira tsika dzechihedheni.
VaKirisitu vanopikisa Kwanzaa vachizvitora senzira yokuchengetedza rutendo rwavo rweBhaibheri vachipikisana nemaitiro eKwanzaa ayo anotorwa sechihedheni.
Mumwe anopikisa Kwanzaa anova muparidzi pamwe nomuvhangeri Rev Jesse Lee Peterson , uyo anoitumidza mazita akawanda okuishoropodza anosanganisira mahedheni, vapanduki, vasaruraganda pamwe nemamwe akadaro.
Anozviita mudyi wedzidzo yechitema Gerald Early anopikisa Kwanzaa nokuda kwekuva nepfungwa dzokutsigira tsika dzeAfrica.
Asi munhu ukanyatsotarisisa chiKirisitu mibvunzo inobvunzwa maererano neKwanzaa ndiyo mibvunzo zvakare inofanira kubvunzwa maererano nekwakabva chiKirisitu.
Chiitiko cheKisimusi hachina kubva panyaya yaJoseph naMaria pamwechete nokuzvarwa kwemwanakomana wavo Jesu muchidyiro chemhuka.
Zororo reKisimusi chiitiko chakagadzurudzwa senzira yokupemberera chitendero chechiKirisitu.
Zororo reKisimusi rakavambwa kubva pazororo rerudzi rwechiRoma raivepo kupemberera zuva guru munguva yechando.
Pamusoro pazvo, vanhu vokuAmerica vanopemberera Kisimusi vachiita zvinhu zvinosanaganisira, kuisa mwenje mumiti, kutenga zvepamusoro, kudya zvekudya zvakawanda nokupana zvipo.
Zvose izvi zvavanoita ndizvo zvimwechetezvo zvaiitwa kuRome panguva yehutongi hwaJulius Caesar.
Kwanzaa haina donzvo rokupararira nepasi rose sezvakaita chiKirisitu, asi kukosha kwaro ndekwekubatsira vana veAfrica vari kunyika dzavachena kuziva kwavakabva pamwe netsika dzavo.
Kwanzaa iripo kutiyeuchidza nokutipa ndangariro dzakanaka zvisinei nokusagadzikana pamwe nemhirizhonga dzakamboitika dzinosanganisira hutapwa.
Pachiitiko cheKwanzaa, vanhu vanopanana zvipo.
Zvipo izvi zvinenge zvakagadzirwa nehumhizha hwavatema uye zvichitengwa nemitengo yakaderera.
Panguva yokupana zvipo iyi, vanogara pamureza unenge une mavara akawanda anosanganisira, ruvara rutsvuku, rutema pamwe rwepfumvudza (green).
Mureza werudzi urwu wakapinzwa mudariro nemutungamiri wekodzero dzevatema, Marcus Garvey mugore ra1920.
Mavara ari pamureza aya anomirira ropa, ruvara rweganda redu pamwe nehupfumi huri muvhu reAfrica.
Vanobva vanwira zvinwiwa mumukombe umwechete unonzi ‘Kikombe’ unova mukombe unotaridza kubatana.
Vanobva vakwazisana nerudzi rweSwahili vachiti, “Habhari gani”, zvichireva kuti ‘zviri kufamba sei’?
Mukutaurwa kwazvinoitwa zvinonzi Kwanzaa yave kurasika padonzvo rayo rokuchengetedza zita reAfrica kuburikidza nokutengesa kwayave kuita mifananidzo yeKwanzaa.
Semuenzaniso, mugore ra1997 musangano weAmerica weUnited States Postal Service (USPS) wakapa chidhindo chekurumbidza mhemberero dzeKwanzaa.
Kubva panguva iyoyi mabhizimisi akawanda kusanganisira makambani ekuChina avekushandisa mufananidzo uyu kusimudzira zvinhu zveAfrica kuvagari veAfrica vari kuAmerica.
Hazvinyatsozivikanwi kuti vatema vangani vanotsigira Kwanzaa?
Zvinofungidzirwa kuti kune vanhu vanokwana mamiriyoni gumi nematatu vanotsigira chirongwa ichi.
Panguva yeKisimusi negoredzva unonzwa vanhu vatema vekuAmerica vachikwazisana vachiti, “Happy Kwanzaa!”
Pamhemberero dzeKwanzaa vana veAfrica vanenge vachinunura pamwe nokugadziridza nhoroondo yeAfrica, tsika namagariro pamwe nokusimbisa hunhu pamwe nokuvandudza nokuparadzira rusununguko.
Kwanzaa inotirangaridza kwatakabva maererano nenhaka yedu.
Kwanzaa inotipa ndangariro yehupfumi hwatinahwo.
Nyaya iyi yakatorwa muThe Patriot remusi wa Ndira 9-15 2015.