HomeOld_PostsYambiro yemafashamu emvura

Yambiro yemafashamu emvura

Published on

PAUNOZIVA kuti nzvimbo yaugere yapihwa yambiro yemafashamu emvura, inguva yokugadzira hurongwa hwokudzivirira mafashamu aya muzvimbo dzamunogara sezvo mafashamu achiunza kuparadza kukuru.
Kazhinji kacho vanhu vanenge vasina kupihwa yambiro yokuti nzvimbo yavo ichasangana nedambudziko remafashamu emvura.
Mafashamu emvura anogona kungoerekana avepo vanhu vakatovarairwa.
Nokuda kwekatsika kekupfuta kwemashamu, zvakakosha kuti vanhu vagare vagadzirira zvinhu zvavo vachiziva kuti mafashamu anogona kuvapo nerimwe ramazuva.
Panguva yemafashamu munhu anofanira kukoshesa hupenyu hwake.
Chekutanga munhu haafaniri kufamba, kutyaira pamwe nokutuhwina mumafashamu.
Zvisinei kuti mvura yakashomeka zvakadii, simba rinenge rine mvura rinenge rakawanda. Panogona kuva zvakare nemwena inenge iri pasi pemvura yatingasikwanisi kuona nemaziso edu.
Munhu anogona kurohwa nezvinhu zvinenge zvichiyeredzwa nemvura zvinosanaganisira matombo nemiti.
Munhu anofanira kusafambira mumahombekombe erwizi pamwe nepamazambuko nokuti unogona kutsveedza wodonhera mumvura
Nzvenga kusangana pamwe nokupinda mumvura zvachose
Gara kure netambo dzemagetsi anogona kudonhedzwa nemvura.
Teerera nhau dzezvemamiriro ekunze.
Bvisa mhuka, michovha nezvimwe zvakakosha zvichiendeswa kunzvimbo dzakanaka.
Ona kuti vavakidzani vawanawo mashoko ezvemafashamu kunyanya kana vari vatana
Gara nharembozha dzine moto.
Gara munhu wakagadzirira kudzima zvinhu zvinoshandisa magetsi pamwe negasi
Shanda pamwechete nevanoona nezvenjodzi dzinowanikwa vanhu vasingatarisiri.

Unorarama sei mushure mokunge wawirwa namafashamu
Mushure memafashamu imba yako pamwe nemidziyo inogona kutaridza kuparara asi izvi zvinogona kudzorereka panzvimbo.
Ukaita zvinhu nemazvo imba yako inenge yawirwa nemafashamu inogona kucheneswa, kuomeswa, kuvakiridzwa pamwe nokugarwa nokukurumidza zvausingafungiri.

Ndave kutaura nezvezvinhu zvaunogona kuita mushure mokunge wasanga nemafashamu emvura.
Mhuri ngaigare pamwechete, usati waita chimwe chinhu ona kuti vanhu vose vari panzvimbo imwechete yakanaka.
Munguva yokuipa kwezvinhu kubatana kunokurudzirwa zvikuru. Ona nezvehutano hwemhuri yako. Zvakakosha kuona nezvehutano takatarisana nezvirwere zvinobva mumvura pamwe nokushushikana kunounzwa nechiitiko chemafashamu .
Tarira hutano hwepfungwa, kurukurai zviri kuitika muri pamwechete mopana mazano.
Onai kuti mumwe nomumwe wenyu ari kuona kurara kwakakwana, nokuti kusazorora kwakakwana kunokonzera matambudziko ehurwere.
Rarama muhutano. Dzivirira kuti mvura yemafashamu isaparadze hutano hwemhuri yako nokuita hutsanana.
Geza mawoko nesipo nemvura zvakakwana nguva nenguva
Tarira kuti mvura yako yakachena usanwa kana kusuka nemvura iyi kusvika waona kuti yakachena. Kazhinji mvura yemafashamu inowanzosangana netsvina inobva mumapombi emvura dzinonorasa tsvina.
Suduruka kubva pane zvinokuvadza. Zvinhu zvizhinji zvinoshandiswa kuchenesa dzimba, mishonga iyi ngaiiswe kure nevana pamwe nokupfeka mbatya dzokudzivirira.
Zvichengetedze, usazvikuvadze, kunyanya musana unowanzokuvadzwa nokugadzirisa kuchengetedzwa kwemusha.
Vacheche pamwe nemadzimai akazvitakura nevanhu vane matambudziko ehutano vanofanirwa kusuduruka kunzvimbo dzemafashamu kusvika kutsvairwa kwapera.
Zvakakosha kuona kuti vanhu havasi mumadhaka
Nyaya iyi yakatorwa muThe Patriot remusi waNdira 9-15 2015.

LEAVE A REPLY

Please enter your comment!
Please enter your name here

Latest articles

Gastronomy tourism gathers momentum

By Simon Ngena FORMED in 1945, the United Nations (UN) is a global organisation...

Debate on away-goals rule rages

By Sheldon Hakata BTHE CAF Champions League holds a special place in the hearts of...

In football, money talks . . . ‘boozers’ struggle while ‘moneybags’ thrive

By Anesu Chakanetsa THE direction football is taking, both globally and locally, is clear:...

Tatenda Pinjisi: Gone too soon! . . . as road carnage takes toll on Zim’s music talent

By Fidelis Manyange THE recent tragic passing of young Sungura artiste Tatenda Pinjisi has...

More like this

Gastronomy tourism gathers momentum

By Simon Ngena FORMED in 1945, the United Nations (UN) is a global organisation...

Debate on away-goals rule rages

By Sheldon Hakata BTHE CAF Champions League holds a special place in the hearts of...

In football, money talks . . . ‘boozers’ struggle while ‘moneybags’ thrive

By Anesu Chakanetsa THE direction football is taking, both globally and locally, is clear:...

Discover more from Celebrating Being Zimbabwean

Subscribe now to keep reading and get access to the full archive.

Continue reading

× How can I help you?