HomeOld_PostsChii chinonzi gamba?

Chii chinonzi gamba?

Published on

Nyaya iyi yakanyorwa naEvans Mushawevato ikaturikirwa naRujeko Jangano

“ Zviri zverufu zvainge zvatove muropa zvatojairika, zvisisinga chemedzi, asi ndizvo zvakaita kuti tibatane kurwisa muvengi uye nekuti tive nekupemberera. Kufa kwegamba taipembera. Yaisave mhemberero yekufarira kudeuka kweropa asi hushingi nokutsungirira kwaiuya kuburikidza nokufa kwevamwe vedu.”

PAVANHU vose vanopihwa ruremekedzo muno munyika tinoona kuti magamba ndevamwe vasingapihwi ruremekedzo rwepamusoro kutangira kumutungamiri wenyika ino vaRobert Mugabe kusvika kumamwe magamba ari kumaruwa.
Chisingazivikanwi noruzhinji chikonzero chakaita kuti magamba aya asarudze kufira nyika yavo.
Magamba enyika ino akazvipira kusimuka kurwira nyika ino vachiita zvimwe zvinhu zvainge zvisingatarisirwe.
Nhasi uno vazhinji vanoyemura basa guru ravakaita asi kune vamwe vakaita savachena marwadzo chaiwo, vanoshamisika nemagamba vanoramba nanhasi vakasimbirira pane zvavakarwira hondo.
Nanhasi uno vakazvipira kufirazve nyika yavo zvisinei kuti kwave nemakore makumi matatu nemana nyika ino yawana kuzvitonga kuzere.
Agrippah Mutambara anova mumiriri wenyika ino kunyika yeMozambique neSwaziland ane bhuku rake raanopa rondedzero yake yehondo .
Murondedzero yake anoburitsa pachena ruzivo runoita kuti munhu anzwisise kuti chinonzi gamba chii?
Rondedzero yaAgrippa yakanyorwa isina kana kunyengera asi nedonzvo rokuburitsa zvinhu pachena.
Makambani okushambadza mabhuku akaita seWeaver Press achitungamirwa naIreen Staunton aiburitsa nyaya akarerekera kuvachena nechinangwa chokuda kuparadza pamwe nokusaremekedza hondo yechimurenga.
Bhuku raMutambara rinovhura pfungwa , haringorina nyaya chete asi rine nyaya dzinopa mhinduro pamwe nemibvunzo ,yezvikonzero uye tsananguro yakazara yokuti chii chinonzi gamba?
Mumwe munhu akaverenga bhuku iri anogona kufunga pfungwa yokuti magamba ose akafa asi kwete handizvo.
Vachitaura vaMutambara avo vaishandisa zita rehondo rokuti Dragon Patiripakashata vakati, tose takashanda nesimba kuti tive nenyika yakasununguka.
Takazviita kuti avo vaizotevera tsoka dzedu vasarase tariro nechinangwa chinova kurwira nyika uye kuti pave nezvibereko zvakanaka.
Munhoroondo yake munyori tinoona kuti panguva iyo aida kubatana nevamwe kuMozambique akabva asungwa nemasoja eFrelimo ndokudzorerwa kunyika yechiberekerwo panguva iyi ichadaidzwa kunzi Rhodesia.
Panguva iyi aive nechinhanho chohutungamiri zvokuti kushaikwa kwake kwakakonzera kusagadzikana kukuru.
Vachitaura Cde Dragon vakati vakashaikwa kwemavhiki anokwana kuita matatu.
Chaivanetsa mundangariro dzavo panguva yechiitiko ichi ndechemhinduro yavaizopa kuvakuru veRhodesia maererano nezvainge zvaitika.
Asi chinoshamisa ndechekuti munyori uyu mushure mokudzingwa kuMozambique haana kudzokera kuguta guru reSalisbury kuzotsvaga basa asi akasarudza kutsvaga basa pane rimwe purazi raive kumuganhu wenyika ino neMozambique achifanoronga nzira dzaaizoshandisa mukuyambukira zvakare kuMozambique.
Akazobudirira mukudzokera kuMozambique.
Achitaura anoti, “Chiitiko chokuti ndainge ndave mupoteri hachina kumbobvira chadzika midzi mupfungwa dzangu asi chandaiziva mumoyo mangu ndechekuti ndainge ndiri murwi mukuru akauya kuzorwira nyika yake”. Paive nematanho aifanira kutorwa kuti hondo iyi igounza pundutso.
Mumakamba makaiswa vanhu vaizoongorora vanhu vaizoita hutengesi , pamwe nemimwe mitemo yakawanda yakaiswa kuti zvinhu zvigofamba zvakanaka.
Bhuku iri rinonyatsoburitsa kuti magamba akasangana nekurwadziwa nokutambudzika kukuru pakuunza mufaro watinawo nhasi.
Mutungamiri wenyika ino akataura kuti pfuti haina kungobatwa chete asi pane chikonzero chakaita kuti vanhu vaibate.
Hazvina mhosva kuti vanhu vakafamba nzira dzakasiyana-siyana murwendo urwu chakakosha ndekuti munhu wese akatombokambaira asati ave gamba rakakwana.
Nedzimwe nhanho chakatanga kugadzira pfungwa dzomunhu asati abata gidi.
Magamba akatodzidza akatoziva kusavimbika kwavachena. Magamba akaratidza kuti vanhu vane ruzivo rwakakura pakuti zvinorevei kunzi mwana weZimbabwe.
Kuburikidza nedzidziso yavaipihwa yezvematongerwe enyika varwi vakamira vakashinga uye vakabatana vane chinangwa chimwe chete.
Magamba vakaramba vakabatirira panyika yavo zvisinei nezvimhingamupinyi zvavaisangana nazvo.
Achitsanangura kufa nokuvigwa kwakaita madzimai nevana vakafa mukuurayiwa kwavanhu kuChimoio mumwedzi vaMbudzi mugore ra1977 munyori anotaura kuti nei kuurayiwa kwavanhu kusina kudzorera kumashure donzvo remagamba. Achirondedzera munyori anoti mupfungwa dzake apo aiviga magamba aya aisaona zvitunha asi kuti aiona mbeu dzemhando yepamusoro dzaidyarwa muvhu dzaizokura dzoberekana, munyori aiona kuchena kwemoyo yavo pahushingi hwaive mavari.
Todzoka zvakare pakuti chii chinonzi gamba?
“Gamba hauzi mutumbi wataviga, chinonzi gamba mweya wehushingi unogara mumunhu. Nyangwe zvakaoma sei muvengi haagoni kuparadza mweya asi nyama chete. Ndicho chikonzero chakaita kuti Mbuya Nehanda vaporofite mashoko okuti mapfupa angu achamuka”. Zvinotoda dungamunhu kuzvibatira bhuku iri overenga kuti agone kunzwisisa zvandiri kutaura pano!
Nyaya iyi yakatorwa muThe Patriot remusi wa22-28 Nyamavhuvhu 2014

LEAVE A REPLY

Please enter your comment!
Please enter your name here

Latest articles

UK in dramatic U-turn

By Golden Guvamatanga and Evans Mushawevato ‘INEVITABLE’ encapsulates the essence of Britain and the West’s failed...

Rich pickings in goat farming

By Kundai Marunya THERE is a raging debate on social media on the country’s recent...

ZITF 2024. . . a game changer

By Shephard Majengeta THE Zimbabwe International Trade Fair (ZITF), in the Second Republic, has become...

Zim headed in the right direction

AFTER the curtains closed on the Zimbabwe International Trade Fair (ZITF) 2024, what remains...

More like this

UK in dramatic U-turn

By Golden Guvamatanga and Evans Mushawevato ‘INEVITABLE’ encapsulates the essence of Britain and the West’s failed...

Rich pickings in goat farming

By Kundai Marunya THERE is a raging debate on social media on the country’s recent...

ZITF 2024. . . a game changer

By Shephard Majengeta THE Zimbabwe International Trade Fair (ZITF), in the Second Republic, has become...

Discover more from Celebrating Being Zimbabwean

Subscribe now to keep reading and get access to the full archive.

Continue reading