HomeOld_PostsEbola chirerwe chinoparadza

Ebola chirerwe chinoparadza

Published on

Nyaya iyi yakanyorwa naSherpherd Manhambara ikaturikirwa naRujeko Jangano

NYAYA yeEbola iri kupisa muno mudunhu reAfrica uye haisi kuzobuda mudariro nokukurumidza zvisinei kuti inyaya inosuwisa zvikuru.
Parizvino chirwere ichi chatambudza kunyika dziri kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweAfrica, kunyanya munyika nhatu dzinoti Guinea-Conakry, Siera Leone pamwe neLiberia.
Kutaura kudai chirwere ichi chauraya vanhu vanodarika zviuru zvitatu kubva pachakavamba mumwedzi waKurume mugore rino uye chiri kuramba chichingotekeshera zuva roga-roga.
Nyanzvi dzezvehutano dzinoti Ebola kana ichangotanga kubata inoonekwa nekutema kwemusoro, kurwadza kwembabvu, kupera simba zvichiteverwa nokurutsa, manyoka, kutadza kunyatsofema zvakanaka pamwe nokuvhiringidzika mupfungwa.
Zvichibva zvateverwa nekubuda kweropa pamwe nokutadza kushanda kwedzimwe nhengo dzemuviri.
Kunyange zvazvo kasiri kokutanga kuitika kwechirwere ichi muno mudunhu, kupararira kwechirwere ichi hakuna kumbokura sezvakwaita rwendo rwuno.
Musiyano waitika parizvino munyika nhatu idzi ndewekuti chirwere chirikubata zvose kumaruwa nekumadhorobha ndokusaka zvakati womei kuti chirwere ichi chinyatsorapika kune avo vose vanenge vabatwa nacho.
Chiri kunyanyoshungurudza pachirwere ichi ndechekuti hapana mushonga wati wavepo unogona kuchirapa nyangwe zvazvo kune matanho ave kutorwa kunyika dzavachena mukuedza kugadzira mushonga.
Parizvino chatingatoita kuedza kudzivirira Ebola pamwe nokusudurudza avo vanenge vabatwa nayo.
Chiri kuramba chichitaurwa pamusoro penyika nhatu idzi ndechekuti mapazi adzo ehutano akaderera zvikuru zvokuti zvakavaomera kuti vagone kuriritira nyika dzavo maererano nechirwere ichi.
Semuenzaniso mugore ra2010 munguva apo Liberia yainge ine vanhu vanokwana mamiriyoni mana yainge ine vana chiremba vanoita makumi mashanu nomumwechete vazhinji vavo parizvino tinonzwa mashoko okuti vakatofa neEbola.
Hapana musiyano wakakura maererano nokuvapo kwavana chiremba kunyika yeGuinea-Conakry iyo ine vanhu vanokwana kuita mamiriyoni gumi nerimwe nechidimbu (11,5 million) pamwe neSierra Leone ine vanhu vanoita mamiriyoni matanhatu (6 million).
lgaroziva kuti tsanangudzo dzinobuda panyika idzi ndedzekuti nyika idzi hadzina hupfumi ndokusaka dzisina vanachiremba pamwe nezvinodiwa mukurwisa chirwere ichi.
Hazvisirizvo zvoga, hachisi chokwadi kuti nyika yeGuinea inyika yevarombo vokupedzisira sezvinogarotaurwa nevedzinhau.
Guinea izere nehupfumi hwendarama pamwe nehumwe hupfumi hwakawanda.
Nyika yeGuinea ine ngoda, goridhe nezvimwe zvicherwa.
Zvicherwa izvi zviri kucherwa zuva nezuva nemabhizimisi makuru okunyika yeUnited States of America.
Mabhizimisi aya ari mubishi kumora hupfumi hweGuinea vachisiya zvizvarwa zveGuinea zvichidya nhoko dzezvironda.
Mhedzisiro yazvo inogumbura, nyika izere nehupfumi ndiyo zvakare ine vanhu vari kuparara nenhamo.
Nyaya yokuti nyika yeGuinea yaive pasi pebhanga guru repasirose reInternational Monetary Fund (lMF) pamwe neWorld Bank kubvira mugore ra1985 uye vaitevedzera dzidziso yavaipihwa nevatungamiri vasinganzwisisiki ava zvinotaura zvoga kuti paisave nedzidziso yehuchenjeri mukutungamirwa kwavo namapato aya.
Mamiriro ehupfumi takatarisana nenyika yeSierra Leone haana kumbonyanyosiyana neenyika ye Guinea.
Nyika yeSierra Leone inowanikwa panyika gumi dziri pamusoro pakuva nengoda yakawanda pasirose.
Hupfumi hwayo hwengoda ndihwo hwakakonzera kumukirana, kutambura pamwe nokufa kwavanhu kunyanya panguva yehondo dzokumukirana kwamarudzi pakusvika pakupihwa zita rokuti ngoda yeropa (blood diamond).
Tichienderera mberi Guinea ndiyo nyika inowana zvicherwa zvakaita sebauxite, titanium pamwe nendarama.
Nyika iyi ndiyo muzinda zvakare wechicherwa chinonzi Rutile icho chinoshandiswa zvikuru kumaindasitiri ekunyika dzeUSA pamwe neEurope.
Liberia inyika inorwadza kuburikidza nokuti iri kubirwawo zvakare hupfumi hwayo nevasinamabvi sezviri kungoitikawo kunyika dzimwe mbiri idzi.
Nyaya yokuti nyika yeUSA ndiyo yaiona nezvemafambiro enyika yeLiberia kubva mugore ra1820 nyika iyi ichingori kurarama pasi pohudzvanyiriri hwavachena.
Liberia haisi nyika inotambura sekuburitswa kwazvinoitwa nemasangano edzinhau anosanganisira BBC, CNN pamwe neSky News.
Inyika ine hupfumi hwesimbi asi kubva pakapera hondo dzokumukirana kwamarudzi munyika umu, hupfumi uhu hwave pasi pavachena vachihwanda nechirongwa chavanoti The One Billion Dollar Investment asi tichiziva zvedu kuti chirongwa ichi hachisi kuzobatsira zvizvarwa zveLiberia.
Tikatarisa zvakare tinoona kuti Liberia ine minda neminda yerubber kudarika nyika dzose as minda iyi iri pasi pebhizimisi rinonzi Firestone Company yokuUSA.
Vachitaura vaMark Doyle mugore ra2007 pamusoro pehunhu hwakafumuka hwaSekuru Sam (USA) vakati mabhizimisi aya ave nemakore anodarika makumi manomwe achimora rubber.
Kwava nemakore anodarika zana nemakumi mana asi hapana kana budiriro iri kuoneka munyika yeLiberia kunze kwenhamo nezvirwere zvisingaperi seEbola zvaita kutekeshera nenyika.
Zviri pachena kuti chirikuita kuti nyika iyi isabudirire ndivo vachena vekunyika yeUSA vakabatana nevatungamiri vanonyengera.
Hazvishamisi kuti Barak Obama akasarudza kutumira masoja anokwana zviuru zvina kuWest Africa kwete kunoparadza Ebola asi kunochengetedza budiriro yemabhizimisi avo ari munyika iyi.
Tichipendera, kuparararira kwechirwere cheEbola ichi kwavhura mukana wokuti vana veAmerica vaunze mauto avo kuWest Africa.
Kuvapo kweEbola idambudziko kuvatema asi kuvachena igomborero kuburikidza nemauto avari kuunza munyika idzi.
Nyaya iyi yakatorwa muThe Patriot remusi wa10-16 Gumiguru 2014.

LEAVE A REPLY

Please enter your comment!
Please enter your name here

Latest articles

Leonard Dembo: The untold story 

By Fidelis Manyange  LAST week, Wednesday, April 9, marked exactly 28 years since the death...

Unpacking the political economy of poverty 

IN 1990, soon after his release from prison, Nelson Mandela, while visiting in the...

Second Republic walks the talk on sport

By Lovemore Boora  THE Second Republic has thrown its weight behind the Sport and Recreation...

What is ‘truth’?: Part Three . . . can there still be salvation for Africans 

By Nthungo YaAfrika  TRUTH takes no prisoners.  Truth is bitter and undemocratic.  Truth has no feelings, is...

More like this

Leonard Dembo: The untold story 

By Fidelis Manyange  LAST week, Wednesday, April 9, marked exactly 28 years since the death...

Unpacking the political economy of poverty 

IN 1990, soon after his release from prison, Nelson Mandela, while visiting in the...

Second Republic walks the talk on sport

By Lovemore Boora  THE Second Republic has thrown its weight behind the Sport and Recreation...

Discover more from Celebrating Being Zimbabwean

Subscribe now to keep reading and get access to the full archive.

Continue reading