HomeOld_PostsKune varimi vechidiki varikudadisa

Kune varimi vechidiki varikudadisa

Published on

Nyaya iyi yakanyorwa naShingirirai
Mutonho ikaturikirwa naRujeko
Jangano
KWABURWA zvakare mbeu
yevarimi vatsva vechidiki varikukura
nokukurumidza.
Chikwata chevarimi vechidiki ava
chakatarisirwa kuunza budiriro kudarika
ruzhinji rwakambopindawo muchirongwa
chekurima ichi.
Vechidiki ava vari kutora chirongwa ichi
nedanho repamusoro uye vazere neshungu
dzekusimudzira chikamu chekurima
chinova mudzi wehupfumi hweino nyika.
Nokuda kweruzivo rwavanarwo mauto
evarimi vechidiki aya vatanga chirongwa
chokuunza zvekudya kuvanhu vanosvika
mamiriyoni gumi nezana kuburikidza
nemukana wavanawo wokudzidza kubva
kuzvikanganiso zvakaitwa nevarimi
vakuru.
Kukuchidzira moto wavo tinoona kuti
kuvapo kweruzivo rweindaneti kwaita
kuti vechidiki vave nohudokwa-dokwa
hwekuita zvekurima.
Inguva inofadza zvikuru uye zvakakosha
kuti varimi ava vakosheswe pamwe
nokupihwa rutsigiro rwakakwana
muzvikamu zvose zvavari kuita
zvinosanganisira kupfuya huku.
Varimi vechidiki ava vari kutaridza
kunzwisisa kukosha kwekurima
vachikutora sebhizimisi.
Dominic Machingura wekuHarare
ndemumwe wevarimi vakapinda
muchirongwa chekurimira mudhorobha.
Achiratidza mufaro mukuru kwazvo
mushure mokunge achangopedza
kutengesa muriwo wake weretisi,
Machingura akataura kuti rwendo
rwekurima rwunorwadza asi rwune
mubairo mukuru kwazvo.
Achitaura anoti, akavamba rwendo
rwake nekurima mbesa zvuuru zvitatu
muzvikwata zvechuru nezvuuru zviviri
mumasvondo akasiyana-siyana.
Pakutaura kwake ainge atokwanisa
kukohwa chikamu chekutanga
icho chakatodzosa mari yake yose
yaakashandisa.
Machingura akayambira avo vose vari
kutarisira kuvamba mabhizimisi kuti
vapinde mune zvekurima.
Asi zvose izvi zvakavamba sei?
Zvakangovamba chete nehudokwadokwa
hwaakaita mugore ra2014 hwekuda
kuziva nezveNational Youth Agripreneureship
Summit, chinova chirongwa
chinoitwa gore roga roga chinotungamirwa
neZimbabwe Farmers Union (ZFU).
Mushure mokupinda pamusangano uyu
akabva ava nechido chokuvamba bhizimisi
rekurima.
Zvakave pachena kwaari kuti vanhu
vakaita saiye vasina nhoroondo yekurima
vanogona kurima ndima diki vakatowana
goho guru.
Nyangwe zvake Machingura ainge
asina kana mari muhomwe izvo hazvina
kumudzorera kumashure pakuita
zvirongwa zvake.
Akafunga zano atarisana nenyaya yokuti
mari yokurimisa aizoiwana kupi.
Vakange vayambirwa nemusangano
kutsvaga nzira dzokuwana nadzo mari
vorega kumirira kukwereta kubhanga.
Machingura akanokumbira mari
kuvabereki vake ndokupihwa mazana
maviri emadhora ekuAmerica (US$200
ndokubva arima zvake retisi.
Akarima mbesa iyi zvokuti nyangwe
vavakidzani pamwe neshamwari dzake
vakamuyemura zvikuru.
Retisi iyi anoitengesera kuzvitoro
zvikuru pamwe nekudzimhuri.
Machingura haasiriye oga murimi
wechidiki ari kuita bhizimusi rekurima.
Kune vamwe varimi vechidiki
varikuitawo zvinodadisa mukurima.
Nyaya iyi yakatorwa muThe
Patriot remusi waChikumi 5-11 2015.

LEAVE A REPLY

Please enter your comment!
Please enter your name here

Latest articles

UK in dramatic U-turn

By Golden Guvamatanga and Evans Mushawevato ‘INEVITABLE’ encapsulates the essence of Britain and the West’s failed...

Rich pickings in goat farming

By Kundai Marunya THERE is a raging debate on social media on the country’s recent...

ZITF 2024. . . a game changer

By Shephard Majengeta THE Zimbabwe International Trade Fair (ZITF), in the Second Republic, has become...

Zim headed in the right direction

AFTER the curtains closed on the Zimbabwe International Trade Fair (ZITF) 2024, what remains...

More like this

UK in dramatic U-turn

By Golden Guvamatanga and Evans Mushawevato ‘INEVITABLE’ encapsulates the essence of Britain and the West’s failed...

Rich pickings in goat farming

By Kundai Marunya THERE is a raging debate on social media on the country’s recent...

ZITF 2024. . . a game changer

By Shephard Majengeta THE Zimbabwe International Trade Fair (ZITF), in the Second Republic, has become...

Discover more from Celebrating Being Zimbabwean

Subscribe now to keep reading and get access to the full archive.

Continue reading