HomeOld_PostsMafungiro aZwelithini haana kunaka

Mafungiro aZwelithini haana kunaka

Published on

Nyaya iyi yakanyorwa naChakamwe Chakamwe ikaturikirwa naRujeko Jangano

MUNGUVA pfupi yapfuura mambo werudzi rwechiZulu, Goodwill Zwelithini aive mubishi kuparidza zvekudzingwa kwezvizvarwa zvisiri zvenyika yeSouthAfrica munyika iyi.
Shoko guru raaiparidza nderekuti vabvakure vari kugara munyika yeSouthAfrica pamwe neavo vari kushanyira nyika iyi vachiita zvemabhizimisi vanofanira kutora matsamba okuva zvizvarwa zvenyika iyi kana vasingadi kuita saizvozvo vanofanira kudzingwa munyika yavo.
Zwelithini akanzwika achitaura mashoko aya paterevhizheni yeSABC.
Sekutaura kwaZwelithini kana achiti vabvakure anenge asingarevi vachena vari kuuya kuzogara munyika yeSouth Africa zuva nezuva vachibva kuEurope, America, Eastern Europe, Canada, Australia, Russia pamwe nedzimwe nyika.
Anenge asingarevi zvakare maChinese, Mexicans kana vekuBrazil.
Marudzi kana kuti nyika dzandadoma idzi kumaZulu vanenge vasiri vabvakure.
Vavanoti vabvakure vanhu vatema vomuAfrica kunyanya avo vanobva kuchamhembe kweAfrica (SADC).
Apa ndinoreva vanhu vatema vanobva kunyika dzinosanganisira Angola, Botswana, DRC, Lesotho, Mozambique, Namibia, Malawi, Zambia, Zimbabwe pamwe nedzimwe nyika dzavatema.
Vasinamabvi vakabva munyika dzavatema vakanoita mabhizimisi munyika yeSouth Africa kana kugara imomo kwavari havasi vabvakure.
Nyaya yandiri kutaura nezvayo haisi yekutamba nayo nokuti Zwelithini ane shuwiro yokuona vatema vasiri venyika iyi vachidzingwa munyika yavo.
Zwelithini akatowana zita remadunhurirwa rokutumidza vabvakure ava rokuti ‘Manikiniki’ zvichireva mamvemve kana kuti vanhu vasina basa.
Chokwadi ndechekuti vatema vokunyika yeSADC neAfrica yose havakodzeri kudaidzwa kunzi vabvakure kana vari munyika yeSouth Africa.
Vanhu vakaita saZwelithini vari mubishi kuparidza zvekudzingwa kwemarudzi vanofanira kusungwa nemutemo nokuti vari kuisa mweya wakaipa mudunhu redu.
Nhoroondo inoburitsa kuti vanhu vazhinji vomuSADC vamwechete zvisinei nokuti dunhu iri rakaganhurwa kuva nyika dzakawanda.
Zwelithini ari kukanganisa kana achitora vanhu vatema vemuAfrica sevabvakure munyika yavo.
Kuburitsa pachena zvandiri kutaura nezvazvo ndichashandisa muenzaniso wevanhu vechiZulu avo vanowanikwa munyika zhinji dzemuAfrica.
Ko Zwelithini akazvibvunzawo here kuti neiko zita remunzvimbo maanogara makare muSouth Africa rine zita repiri (Surname).
Ndiri kutaura nezvedunhu rake rinonzi KwaZulu Natal.
Neiko risingangonzi Zululand?
Mhinduro iri nyore kwazvo
Dunhu reZululand rakatapwa ndokutorwa navachena.
Panguva rarakapambwa yakabva yapihwa zita rokuti Natal.
Kutapwa uku kwakaita kuti vatema vanova vaZulu vaunganidzwe panzvimbo diki-diki ndokusiiwa kuti varwisane pachavo vachirwira minda.
Paterevhizheni (Bulpin) anotiudza nezvekumwe kurwisana kukuru kwakaitika kunzvimbo yeZululand kwainge kwakonzerwa nokuuya kwavachena.
Kurwisana uku kwaisanganisira madzimambo maviri anoti Zvide pamwe naShaka vachirwira hukuru munzvimbo yeZululand.
Hondo mbiri idzi dzakarwirwa mujinga merwizi rweMhlatuze.
Hondo yaZvide yakakurirwa, zvimwe zvikwata zvitatu zvehondo yaZvide zvikabva zvananga kumaodzanyemba, vachitungamirirwa naSoshangane, Zwangendaba pamwe naNxaba.
Soshangane pamwe nevamwe vaZulu vakabva vagara munyika dzinoti Mozambique, Zimbabwe pamwe nekumaodzanyemba kweSouth Africa.
Vamwe vaZulu Zwangendaba vakabva vagara muZimbabwe.
Mushure mokurwisana kukuru kwazvo kweNgome kwaive pakati pemaBoer nemaZulu ruzhinji rwevaZulu rwakabva rwatiza nyika yeSouthAfrica ndokuuya muZimbabwe, Zambia, Malawi, pamwe neTanzania.
Chikwata chose chaNxaba chakabva chagara muZimbabwe.
MaZulu ose aya aitiza vachena vainge votora ivhu ravo muSouth Africa.
Touya kuchikamu chevaZulu chinonzi ‘Ndebele’.
Pane kakunyeba karipo kakaunzwa nevapambepfumi kanoti Mzilikazi uyo aive mambo wemaNdebele akatiza kubva kuZululand iyo yakazotorwa navachena ikazotapwa zvakare nemaBritish pamwe nemombe dzaShaka.
Manyepo aya anotaurwa kuvharidzira vachena voita sevanhu vasina kutadza mune kuita kwavo kwekusundudzira vatema mukanzvimbo kadiki izvo zvakazoita kuti Mzilikazi abude munzvimbo iyi achinotamira kumwe.
Munhoroondo yose yemaZulu hapana kana chiitiko chimwechete chatinganongedzera kuti chinotaridza kuti Mzilikazi naShaka vakambonetsana.
Vaviri ava vaitowirirana pachokwadi.
Mzilikazi akabuda muZululanda akanogara muPretoria.
MaBoer paakasvika munzvimbo iyi, vakakumbirwa naMzilikazi kuremekedza mitemo yenzvimbo iyi.
Mumwe wemitemo iyi waiva wokuti vaisafanira kuuraya mhuka dzesango pasina mvumo yamambo.
Kunze kwokutevedza mitemo, maBoer vakabva vapikisa hutongi hwaMzilikazi kusvika pakurwisana.
Mukurwisana kusina kuipisisa kwakaitika mugomo re’Vegkop’, maBoer akasarudza kushandisa huchenjeri hwakaipa.
Oliver Ransford anotiudza nezvenyaya yevatungamiri vaviri verudzi rwechiBoer mumwe ainzi Maritz mumwe zvekare achinzi Potgieter avo vakave nechekuita mukuurayiwa kwemaNdebele mushure mehondo yeVergop.
Husiku hwemusi waNdira 16 1837, vatungamiri vaviri vakahwanda mumatanga emaNdebele.
Kuchangochena vakamhanyira zvakare kune mamwe matanga.
Pakabuda vanhu mudzimba dzavo vakapfurwa zvaipisa tsitsi.
Mabhunu akatasva mabhiza avo kubva pane rimwe danga vachienda pane rimwe danga pavaitiza neavo vainge vapukunyuka muchiitiko ichi.
Matanga anosvika gumi nemashanu akaparadzwa.
Vashoma vevarume ndivo vakatiza uye madzimai mazhinji pamwechete nevana vakapfurwa vakafa.
Mzilikazi nemamwe maZulu vakatiza kubva kuSouth Africa ndokugara muZimbabwe umo mavagere zvakanaka.
Haasingori maZulu chete akatiza munyika yeSouth Africa mushure mokudzingwa nevachena.
MaSotho nemaTswana vakadzingwa muivhu ravo ndokutizira muZimbabwe.
Zvinofadza kuti kubva kare nekare kumakore a1905 hurumende yeSouth Africa pamwe nehurumende yerusaruraganda yakatenderana kubvisa maXhosa nechitima kubva kuEastern Cape vachivaunza muZimbabwe senzira yekurerutsira South Africa iyo yainga yazara.
Zvakakosha kuziva kuti vaVenda wekuSouth Africa vamwechete nevaShona, rwunova rudzi rwukuru muZimbabwe.
Zvakadaro muZimbabwe mune marudzi anoti Zulu, Sotho, Tswana, Venda, Xhosa nemamwe marudzi zvakare anowanikwa muSouth Africa.
Zvinounza kushushikana mupfungwa kuti pakadai apa, neiko maZimbabweans vachinotorwa sevatorwa munyika yeSouthAfrica.
Pamusoro pazvo, vachena vanova vatorwa veChokwadi votorwa sevana veSouth Africa.
Zvinopisa tsitsi, mafungire aZwelithini haana kunyatsokwana ekutora vatorwa ovaita wepedyo, hama dzake odziita vatorwa.
Vanhu veSADC vamwechete.
Musavaparadzanisa weduwe!
Nyaya iyi yakatorwa muThe Patriot remusi waKubvumbi 10-16 2015.

LEAVE A REPLY

Please enter your comment!
Please enter your name here

Latest articles

UK in dramatic U-turn

By Golden Guvamatanga and Evans Mushawevato ‘INEVITABLE’ encapsulates the essence of Britain and the West’s failed...

Rich pickings in goat farming

By Kundai Marunya THERE is a raging debate on social media on the country’s recent...

ZITF 2024. . . a game changer

By Shephard Majengeta THE Zimbabwe International Trade Fair (ZITF), in the Second Republic, has become...

Zim headed in the right direction

AFTER the curtains closed on the Zimbabwe International Trade Fair (ZITF) 2024, what remains...

More like this

UK in dramatic U-turn

By Golden Guvamatanga and Evans Mushawevato ‘INEVITABLE’ encapsulates the essence of Britain and the West’s failed...

Rich pickings in goat farming

By Kundai Marunya THERE is a raging debate on social media on the country’s recent...

ZITF 2024. . . a game changer

By Shephard Majengeta THE Zimbabwe International Trade Fair (ZITF), in the Second Republic, has become...

Discover more from Celebrating Being Zimbabwean

Subscribe now to keep reading and get access to the full archive.

Continue reading