HomeOld_PostsNdiani acharangarira vechidiki?

Ndiani acharangarira vechidiki?

Published on

Nyaya iyi yakanyorwa naGolden Guvamatanga ikaturikirwa naRujeko Jangano

NYAYA yakataurwa nemutevedzeri wemutungamiri wenyika vaEmerson Mnangagwa inofadza zvikuru asi tinoona kuti pane matambudziko mazhinji anofanirwa kugadziriswa kuitira kuti vechidiki vagokwanisa kuita chikamu kubudiriro yenyika.
Dambudziko guru ririkusangana nevechidiki nderevamwe vatungamiri vehurumende varikushaya hanya pazvinhu zvine chokuita nebudiriro yenyika yedu.
Zviri pachena kuti vechidiki vanoshuvira kuva nechikamu pahupfumi hwenyika, asi avo vane masimba okuzadzisa izvi havasi kuita basa ravo.
Munhu watingachenure panyaya iyi ndivaMugabe avo vanogara vachikurudzira vechidiki zuva nezuva.
Magwaro esvomhu anoburitsa kuti vechidiki vari pasi pamakore makumi matatu nemashanu vane huwandu hunosvika makumi manomwe nemanomwe (77 percent) kubva muzana pavanhu vose vari muno munyika.
Izvi zvinobva zvataridza kuti hurumende inofanira kuisa nguva zhinji pamwe nokupa mukana mukuru kune vechidiki.
Pakadai apa mubvunzo unoramba uripo ndewekuti chii chiri kuitwa panyaya yakadai? Maitiro akadai anorwadza uye haana kunaka, ndozvaiedza kugadziriswa navaMnangagwa mukutaura kwavo pachiitiko chokuunganidza mari yevechidiki neZimbabwe Youth Council.
Mukutaura kwavo, vakaburitsa matambudziko akawanda anosangana nevechidiki anofanira kugadziriswa nehurumende.
Vachitaura vakati, vechidiki vanosangana nematambudziko akawanda anosanganisira kushaya mabasa, kushaiwa mari, mukondombera, hudzvanyiriri nezvimwe zvakaro.
Tichitarira huwandu hwezera revechidiki tinoona kuti vechidiki vanofanira kupihwa mukana mukuru pachikamu chekuunza budiriro munyika.
Zvikamu zvose zvinosanganisira, vemakambani akazvimiririra, hurumende pamwe nenhaaraunda vane musenzekete wokubatsira wechidiki”.
Zvisinei netsindidzo yakaitwa nemutungamiriri vaMnangagwa, chinosuwisa ndechekuti zvavari kuona hazvisizvo zviri kuonekwa nedzimwe nhengo dzeparamende.
Svondo rapfuura bepanhau re’The Sunday Mail’ raive nenyaya yaitaura neremangwana risina kujeka kune vechidiki.
Nyaya iyi yakaburitsa zvakare hutera hwevamwe vatungamiri vehurumende sekutaura kwatange tichizviitawo isu veThe Patriot. Mugwaro iri makabuda kuti mutungamiri webazi rezvekufambisa nebudiriro yezviwanikwa (weMinistry of Transport and lnfrastructure Development) varikunonotsa kufambisa chirongwa chenjanji chiri kuunza mari inokwana kuita bhiriyoni rimwechete nechidimbu chechitanhatu(US$1,6) chemadhora ekuAmerica chiri pakati peChina nevechidiki vemuno . Chirongwa ichi chiri kutungamirwa nemusangano wevechidiki weZimbabwe Youth Development Trust nekambani yekuChina yeChina Southern Railway Zhuzhou Company Limited.
Sekutaurwa kwazvakaitwa mubepanhau iri, vechidiki vakanyora tsamba musi wa Ndira 8 gore rino kune mutungamiri wezvekufambisa vaObert Mpofu navaMnangagwa vachibvunza kuti nyaya yavo yainge yave papi yavakaendesa mugore ra2013, sezvo kusapindurwa kwavo nehofisi iyi kurikunonotsa kufambiswa kwechirongwa chenjanji ichi zvisinei kuti vakambotsigira nomuromo kuti chirongwa ichi chinofanira kuenderera mberi, hazvina kukwana, panotofanira kutorwa matanho okuti vanhu vanyorerane pasi.
Ichokwadi hatingapiri makotsi kushamwari dzedu dzinenge dzichida kuita mabhizimisi nesu.
Saka kana zvakadai vechidiki votizira kupi?
Ko tiri kupa muono upi kune vamwe vekune dzimwe nyika vanenge vachida kuita mabhizimusi muno munyika. Mibvunzo yakawanda yatokonywa nenyaya iyi.
Saka mutungamiri webazi rezvekufambisa ari kuita basa rake nemazvo here?
Ko pane here vebazi rezvekufambisa vakaita tsvakurudzo yakasimba mukuona kuti chirongwa ichi chine pundutso?
Pangadai pane munhu ari kutamba nepfungwa dzevechidiki ava here pamwe nenyika yose mukuramba kwavo uku?
Ko Kudzai Chipanga nemutungamiri wake Pupurai Togarasei varipiko panguva yakadai?
Imwe nyaya zvakare ndeyaGoodwills Masimirembwa neCMED(Central Mechanical Equipment Departmnt).
Svondo rapfuura bepanhau rino rakaburitsa nyaya yokuti veCMED vari kunonotsa kufamba kwechirongwa chemabhazi chiri kuda kuitwa nevechidiki.
Takanzwa kuti matsamba anodiwa pakuitwa kwechirongwa ichi chine mari inopfuura mamiriyoni mazana matatu akatoendeswa kuCMED gore rakapera asi nanhasi hapana zvati zvaitwa.
Mushure mokunge zvose izvi zvataurika nokuitwa, zviri pachena kuti avo varikukora nokudya zvokuba, vanyengeri venyika yose ndivo varikuba ramangwana renyika ino kuburikidza nokutadzisa vechidiki kuunza budiriro muno munyika. Nyaya iyi yakatorwa muThe Patriot remusi wa13-19 Kurume 2015.

LEAVE A REPLY

Please enter your comment!
Please enter your name here

Latest articles

Leonard Dembo: The untold story 

By Fidelis Manyange  LAST week, Wednesday, April 9, marked exactly 28 years since the death...

Unpacking the political economy of poverty 

IN 1990, soon after his release from prison, Nelson Mandela, while visiting in the...

Second Republic walks the talk on sport

By Lovemore Boora  THE Second Republic has thrown its weight behind the Sport and Recreation...

What is ‘truth’?: Part Three . . . can there still be salvation for Africans 

By Nthungo YaAfrika  TRUTH takes no prisoners.  Truth is bitter and undemocratic.  Truth has no feelings, is...

More like this

Leonard Dembo: The untold story 

By Fidelis Manyange  LAST week, Wednesday, April 9, marked exactly 28 years since the death...

Unpacking the political economy of poverty 

IN 1990, soon after his release from prison, Nelson Mandela, while visiting in the...

Second Republic walks the talk on sport

By Lovemore Boora  THE Second Republic has thrown its weight behind the Sport and Recreation...

Discover more from Celebrating Being Zimbabwean

Subscribe now to keep reading and get access to the full archive.

Continue reading