HomeOld_PostsPamakore 51: Ko AU iripi?

Pamakore 51: Ko AU iripi?

Published on

Nyaya iyi yakanyorwa naGolden Guvamatanga ikaturikirwa naRujeko Jangano

NYAYA yokuti mubatanidzwa wenyika dzomuAfrica unodaidzwa kunzi African Union (AU) wakasvitsa makore makumi mashanu nerimwe (51) mumazuva mashoma apfuura munguva apo musangano uyu wakanyarara pachiitiko chakaitwa nechikwata chemaMoslem kuNigeria cheBoko Haram zvinotaura zvakawanda maererano nezvekubatirana kwechikwata ichi takatarisana nedunhu rino.
Kubva pakutapwa kwakaitwa vanasikana mazana maviri namakumi mashanu mumwedzi wapfuura neBoko Haram hapana kana matanho akatorwa nemusangano uyu (AU) mukuedza kugadzirisa nyaya iyi.
Ko AU iripiko panguva yokutambudzika kweNigeria?
Ko izwi re‘Africa’ rakaendepi?
Ko vanoisiireiko ichinyadziswa pamberi pavavengi vedu?
Vanoda kuti titsvage rubatsiro kuvachena here?
Nhoroondo yedu izere nenyaya dzorutiziro rwedu kuvachena panguva yatinenge tasangana namatambudziko.
Zviitiko zvakaitika kuMali, Libya parizvino Nigeria mienzaniso inotaridza hutera huri muvatungamiri vedunhu redu.
Maitiro aya ari kuvhiringidza zvikuru uye isu sedunhu takatopira makotsi pazviitiko izvi zviri kukanganisa runyararo nebudiriro yedu.
Nyaya yekuNigeria ndiyo inonyatsoburitsa hutera hwandiri kutaura nezvaho.
Hutera uhu hukaregedzwa huchienderera mberi huchawisira pasi imwe nyika pamwe nokutekeshera kunyika zvinji dzomudunhu.
Seiko takaregedza nyika yeFrance iyo inozivikanwa nokusachengetedza runyararo kuti iyite musangano kuParis pamusoro peBoko Haram?
Takanganwa here kuti nyika yeFrance ndiyo yakakonzera mhirizhonga kuMali?
Takanganwa here kuti France ndiyo yainge yakatapa nyika dzokumaodzanyemba kweAfrica pamwe nokukanda mabhomba okutanga kunyika yeLibya?
lchokwadi kuti vaMugabe navamwe vatungamiri vemubatanidzwa wenyika dzokuchamhembe kweAfrica (SADC) havaida kusiya zviitiko zvakadai zvichiitika kwavari.
Ndokusaka mugore ra1998, SADC yakapa musenzeketi kunyika dzinoti, Zimbabwe, Angola, Namibia wokunobatsira kusagadzikana kwaive kunyika yeCongo(DRC).
Mubatanidzwa wenyika dziri kumaodzanyemba kweAfrica unonzi (ECOWAS) ungadai wakaitawo zvakaitwa neSADC, zvisinei France ndiyo yakasarudza kuita izvi.
Ndokusaka zvakawomera vatungamiri venyika dzeNigeria, Cameroon, Mali, Chad, neBenin kuenda kumusangano kuParis wokuronga nzira dzokubata Boko Haram.
America neBritain vakatumawo nhume dzavo kumusangano uyu.
Mumashoko akabudiswa nevatori venhau venhepfenyuro yeCNN zvakabuda mumusangano kuti Nigeria pamwe nenyika ina dzakaganhurana nayo dzichaisa mauto kumiganhu yenyika dzavo avo vachaita basa rokuvhima vanasikana vakatapwa ava, uye dzimwe nyika dzose dzomuAfrica dzinofanira kuisa matanho munyika dzavo mukuona kuti chiitiko ichi hachizotekeshera.
Hapana kana shoko rimwechete rakataurwa neAU.
Kuwedzera marwadzo bato remauto reAmerica rakataura kuti Nigeria pachezvayo haikwanisi kurwisa Boko Haram.
Anova mukuru weAfrican Affairs Alice Friend akataura kuti kupesana kuri kuitika kunyika dziri kumaodzanyemba kweAfrica kunoratidza kuti vari kutya Boko Haram.
Nigeria inyika ine hupfumi hwemafuta.
Zvakadaro tinofanira kuchenjerera mauto ayo ari kutumwa kuNigera neAmerica nedzimwe nhanho vanogona kutadza kudzokera kunyika kwavo mushure mokupedza nezveBoko Haram.
Kutaura kwemutungamiri weNigeria vaGoodluck Jonathan kuti Boko Haram iri kushanda ichiwana rubatsiro kune vamwe vari kunze zvinofanira kubatisiswa.
Vachitaura vakati, Boko Haram haasi kushanda yoga asi ne Al Qaeda.
Zvinofanira kuzivikanwa kuti America haina kumbobvira yachenurwa pamabasa okubatirana neAl Qaeda.
Izvi zvinobva zvabatana neLibya.
Pane mashoko mazhinji arikubuda okuti Boko Haram izere nezvombo zvaishandiswa nevapikisi vaMuammar Gaddafi mugore ra2011.
Ndokusaka America yakaramba yakasimbirira pamashoko okuti Nigeria haigoni kurwisa Boko Haram pachayo.
Tinoyeuka here kuti pamusangano weAU wakaitirwa kuAccra mugore ra2007 pakasimudzwa nyaya yokuti pane kodzero yokuti pagadzirwe United States of Africa, asi hapana kana mumwe akatsigira pfungwa idzi.
Tinoziva kuti Gaddafi akavhiringidzwa nevachena, nhasi ndivo vave kuda kubatsira Nigeria panyaya yeBoko Haram.
Saka hakuna mhemberero dzakaitwa neAU.
Tinofanira kutochema kuparara kwekubatana kweAfrica.
Tinofanira kuzvinyarira nokuti tiri kuuraya chiratidzo chamadzitateguru edu eAfrica.
Kusvika AU yasimudza izwi rayo ndopatichazotanga kupemberera zuva iri kuAddis Ababa kuEthiopia.
Svinura Africa, paurere ndipapo!
Nyaya iyi yakatorwa muThe Patriot remusi wa23-29 Chivabvu 2014.

LEAVE A REPLY

Please enter your comment!
Please enter your name here

Latest articles

UK in dramatic U-turn

By Golden Guvamatanga and Evans Mushawevato ‘INEVITABLE’ encapsulates the essence of Britain and the West’s failed...

Rich pickings in goat farming

By Kundai Marunya THERE is a raging debate on social media on the country’s recent...

ZITF 2024. . . a game changer

By Shephard Majengeta THE Zimbabwe International Trade Fair (ZITF), in the Second Republic, has become...

Zim headed in the right direction

AFTER the curtains closed on the Zimbabwe International Trade Fair (ZITF) 2024, what remains...

More like this

UK in dramatic U-turn

By Golden Guvamatanga and Evans Mushawevato ‘INEVITABLE’ encapsulates the essence of Britain and the West’s failed...

Rich pickings in goat farming

By Kundai Marunya THERE is a raging debate on social media on the country’s recent...

ZITF 2024. . . a game changer

By Shephard Majengeta THE Zimbabwe International Trade Fair (ZITF), in the Second Republic, has become...

Discover more from Celebrating Being Zimbabwean

Subscribe now to keep reading and get access to the full archive.

Continue reading