HomeOld_PostsPungwe yandisingafi ndakakanganwa

Pungwe yandisingafi ndakakanganwa

Published on

Nyaya iyi yakanyorwa naCde Bernadino Muvadi ikaturikirwa naRujeko Jangano

PANGUVA apo ndakatanga kushanda kuZANLA kuZimuto, Masvingo, ndaive nemakore gumi nematatu.
Izvi zvakaitika mushure mokunge ndaudzwa nerimwe gamba, Cde Tawanda, uyo ainge ari mutungamiri wemauto kuti makore angu aive mashoma saka handaikodzera kupinda muchiuto.
Basa randaikwanisa kuita panguva iyoyi nderehujibha.
Musenzeketo wangu mukuru waitove wekufamba pamwe nokuona zviitiko zvainge zvichiitika.
Varwi verusununguko vaiita basa rekutituma mabasa akasiyana-siyana uye taibva taita sokutituma kwavo.
Kazhinji ndaiwanzobudirira mune zvose zvandaitumwa asi rimwe zuva zvinhu hazvina kundifambira sekuronga kwandainge ndazviita.
Zita rangu ndinonzi Cde Bernardino Muvadi uye ndakazvarwa mugore ra1963 kwaZimuto kuMasvingo.
Ndakatanga kushanda samujibha mugore ra1977 pamwechete naCde Tsuro, Cde Tawanda Muhondo naCde Separayi nevamwe vakadaro.
Ndainge ndichiri mudiki asi ndinoyeuka chiitiko ichi nokuti chakandityisa.
Paive pakati pemwedzi waChivabvu mugore ra1979 apo ndakasarudzwa pamwechete nevamwe vanamujibha vatanhatu nemanwe masoja maviri eZANLA kuti tiende kudunhu reNemarundwi .
Takatumwa kuzokoka vagari veNemarundwi kumusangano wepungwe waiitirwa kudunhu reChivase.
Ndakamuka ndichinzwa kuneta ndikafunga kuti pane chakaipa chaigona kuzoitika kwandiri.
Ndakaramba ndichinzwa kupfura kweziso rangu rekuruboshwe ndikabva ndaziva kuti pane chakaipa chaida kuzoitika sekutaurwa kwazvaiitwa naambuya vangu kuti ndizvo zvazvinoreva.
Rwaive rwendo rweawa rose asi takatora maminetsi makumi mana nemashanu kuti tisvike kuNemarundwi.
Hana yangu yairova parwendo rwose.
Ndinorangarira kuti ndainge ndisina kupfeka juzi uye makumbo ndakanga ndisina kupfeka shangu.
Takafamba tichigogodza misuwo tichikoka vanhu kupungwe.`
Sekunge kududzira kutya kwangu, zvakaipa zvakabva zvaitika, asi zvaingove zvenguva diki.
Pataigogodza takawira mumawoko emasoja emuvengi avo vainge vakahwanda mune imwe imba yekubikira asi hatina kukurumidza kuvaziwa nokuti vainge vakapfeka mbatya dzaisataridza.
Panguva iyi tainge takwanisa kuunganidza misha makumi mashanu.
Tainge tichifamba tiri muzvikwata zvitatu uye ndaive muchikwata chaive pamberi.
Mushure mokufamba kwemaminitsi gumi, ndakacherechedza ndokuona vanhu vainge vakapfeka mbatya dzaisave dzechisoja asi vakapikata pfuti.
Ndisati ndatombozhamba ndakapfurwa rwuwoko rweruboshwe pamwechete nechidya chokuruboshwe.
Ndakavhiringidzika pfungwa nechiitiko ichi asi ndinoyeuka ndichinzwa pfuti dzairidzwa.
Ndakatozopepuka pave paye.
Ndakazoudzwa nasekuru wangu mapunyukire atainge taita vakandibereka kumusana.
Ndakanzwa kufefeterwa apo ndakaudzwa kuti vamwe vose vataive navo vainge vapunyukawo.
Pavanhu vose, ndini ndakakuvara zvakaipisisa uye ndainge ndabuda ropa rakawanda zvikuru.
Zvakadaro senzira yokumisa kubuda kweropa, sekuru vangu vainge vabvarura hembe yavo yavainge vakapfeka ndokundisunga nayo.
Vakabva vandibereka kumusana ndokuenda neni kumusha.
Vakandisiya pamusha pavatete vangu avo vaigara pedyo nechechi yeRoma yaive zvakare pedyo nemakuva.
Wakaita sokudaro nokuti kwainge kwasviba sezvo masoja emaRhodesia aiyiita basa rokufamba husiku saka zvainge zvotyisa kuramba vanhu vachifamba.
Vakazondiendesa kuKapota Misheni tikazosvika kuchipatara mambakwedza.
Takasvika tikaona chiremba uyo akatibata zvakanaka zvikuru, akageza maronda angu ropa ndokumira kubuda.
Ndinorangarira ave mangwanani ndakatakurwa nemotokari yevarwere ndokuendeswa kuchipatara cheMasvingo General Hospital kunorapwazve.
Ichi ndicho chiitiko chakaitika muhondo yeChimurenga chandisingafi ndakakanganwa.
Nanhasi ndichingori nemaronda ekupfurwa nepfuti kwandakaitwa.
Ndakanga ndakagadzirira uye ndichakazvipira kufira Zimbabwe!
Nyaya iyi yakatorwa muThe Patriot remusi wa Kubvumbi 10-16 2015.

LEAVE A REPLY

Please enter your comment!
Please enter your name here

Latest articles

UK in dramatic U-turn

By Golden Guvamatanga and Evans Mushawevato ‘INEVITABLE’ encapsulates the essence of Britain and the West’s failed...

Rich pickings in goat farming

By Kundai Marunya THERE is a raging debate on social media on the country’s recent...

ZITF 2024. . . a game changer

By Shephard Majengeta THE Zimbabwe International Trade Fair (ZITF), in the Second Republic, has become...

Zim headed in the right direction

AFTER the curtains closed on the Zimbabwe International Trade Fair (ZITF) 2024, what remains...

More like this

UK in dramatic U-turn

By Golden Guvamatanga and Evans Mushawevato ‘INEVITABLE’ encapsulates the essence of Britain and the West’s failed...

Rich pickings in goat farming

By Kundai Marunya THERE is a raging debate on social media on the country’s recent...

ZITF 2024. . . a game changer

By Shephard Majengeta THE Zimbabwe International Trade Fair (ZITF), in the Second Republic, has become...

Discover more from Celebrating Being Zimbabwean

Subscribe now to keep reading and get access to the full archive.

Continue reading