HomeOld_PostsSADC -Kugadziridza dunhu redu

SADC -Kugadziridza dunhu redu

Published on

Nyaya iyi yakanyorwa naGolden Guvamatanga ikaturikirwa naRujeko Jangano

MUSIYANO wose wakazoonekwa panguva apo vaMugabe vakasimuka vachitora chinzvimbo chavo chokuva mutungamiri womusangano weSADC pamwe nokuchingamidza vanhu vainge vauya kumusangano kuVictoria Falls.
Musangano waivepo kugadziridza nyika dzokuno kuchamhembe kweAfrica nedonzvo rokusimudzira hupfumi hwedunhu rino.
Kutora kwakaita vaMugabe chinzvimbo chohutungamiri hweSADC kunotaridza kuti ramangwana reZimbabwe richange rakajeka.
Mugore rapfuura ziso reSADC rainge rakatarisana neZimbabwe panguva apo bato reMDC raive mubishi kurwisa nechinangwa chokuda kutsaura Zimbabwe kunyika dzepasi rose.
Kubva mugore ra2007 mubatanidzwa weSADC waiita ongororo yakasimba maererano nezvematongerwo enyika emuno munyika ,izvi zvakazopera mushure mokukunda kune mutinhimira kwakaita vaMugabe musarudzo dzakaitwa mugore rakapera.
Zvakadaro nomusi wakazarurwa musangano weSADC uyu kwainge kusingadanwi anonzwa kudhorobha reVictoria Falls apo mutungamiri wenyika vaMugabe vakagamuchira kusvika kwevatungamiri gumi nevatatu kubva kunyika dzakasiyana-siyana vachivarangaridza kuti vanofanira kupa ruremekedzo kumagamba makuru akasunungura dunhu rino.
Vanhu vakarangaridzwa kuti vanofanira kuyeuka magamba ayo akasunungura dunhu rino.
VaMugabe vakataura kuti Africa haifanirwi kukanganwa magamba akaita saMwalimu Julius Nyerere pamwe nevamwe vakaita saKenneth Kaunda.
Vakataura vachiti magamba akaita saJulius Nyerere wekuTanzania haasisipo akafa, Machel wekuMozambique, Neto wekuAngola pamwe naSeretse Khama vose ava vave vashakabvu.
Ndivo vanhu vakave pamberi kutungamira kuvambwa kwemubatanidzwa weSADCC panguva payainge ichine maC’ maviri.SADCC.
Panguva iyi waive musangano waiona pamwe nokuronga zvinhu zvaive nepundutso maererano nezvematongerwe enyika pamwe nokuunza rusununguko kuruzhinji.
Mubatanidzwa uyu wakavambwa mugore ra1970 nenyika dzainge dzimbori muhutapwa hwavachena dzainge dzotungamirwa navatema.
Nyika idzi dzainge dzisisina nechekuita navachena.
Mitemo mitsva yainge yaiswa navatema yakabatsira zvikuru mukugadzira ramangwana reAfrica.
VaMugabe vakataura nezvekuvapo kwemusangano weOrganisation of African Unity (OAU) uyo wave kudaidzwa kunzi African Union parinhasi .
lzvi zvinotaridza kuti rusununguko rweAfrica yose rwaitungamirwa nemusangano wainzi Liberation Committee wekuTanzania.
Mapato ose aiita nezverusununguko aive akabatanidzwa achitungamirwa neTanzania.
Kwozoitawo mamwe ainge akazvimiririra akaita seZANU, neZAPU, SWAPO neSWANU kuNamibia pamwe neANC kuSouth Africa.
Africa yakawana rusununguko kuburikidza nemapato aya.
Tichitarira tinoona kuti hapana zvikuru zvati zvaitwa kutenda madzitateguru edu akaunza rusununguko.
Takatovarairwa tikakanganwa nokuda kwekushanduka kwehutungamiri .
VaMugabe vakataura mashoko anoti, kunyangwe zvazvo pane zvimwe zvakaitwa mukutenda vanhu vakaita saKwame Nkurumah vekunyika yeGhana pamwe naNelson Mandela wekuSouth Africa uyo akatendwa ku AU Headquaters kuAddis-Ababa, Ehtiopia Nyerere haana kana mucherechedzo mumwechete waakaitirwa zvisinei nebasa guru raakaita.
Panofanirwa kuonekwa kuti pane zvaitika mukurangarira basa guru rakaitwa naMwalimu.
Donzvo remusangano weSADC rinoburitsa pachena kudyidzana kuripo pakati peZimbabwe nemubatnidzwa weSADC iro raiti, Kushanduka kwehupfumi tichishandisa zviwanikwa zvakavandudzwa.
Tinoona kuti Zimbabwe yakabva kutora chikamu cheZimbabwe Agenda for Sustainable Economic Transformation inodaidzwa kuti (Zim-ASSET) iyo inokoshesa budiriro pamwe nokusimudzira zviwanikwa zvezvicherwa zvenyika ino.
Vachitora chigaro chavo somutungamiri weSADC vaMugabe vakavimbisa kusimudzira zvinangwa zveSADC uye vakaratidza chivimbo maererano nokutora matanho anosimudzira magariro eruzhinji.
Vakatenda SADC norutsigiro rwayo kunyika yeZimbabwe panguva yokuoma kwezvinhu kusanganisira kuoma kwakaunzwa nezvimhingamipinyi zvakaiswa nenyika dzavachena.
Pavanhu vakauya kumusangano vanodarika mazana manomwe vanosanganisira, maCabinet Ministers, mutungamiri weAU Commission ,Chiremba Nkosazana Dhlamini Zuma, munyori mukuru weSADC chiremba Stergomena Lawrence Tax, wezvemitemo, madzimambo, pamwe nevamwe vatungamiri .
Chiitiko ichi chakataridza kuti Zimbabwe inyika yakanaka uye ine ramangawana rakajeka.
Mutungamiri weZambia Michael Sata pamwe neweAngola va Jose Eduardo dos Santos vainge vakamiririrwa nevatevedzeri vavo.
Pakupera kwemusangano nemanheru eMuvhuro zvakanzwika nokuonekwa kuti kwange kwovamba zvitsva pakugadzurudzwa kweSADC .
Regai vane nzeve vanzwe!
Nyaya iyi yakatorwa muThe Patriot remusi wa22-28 Nyamavhuvhu 2014.

LEAVE A REPLY

Please enter your comment!
Please enter your name here

Latest articles

UK in dramatic U-turn

By Golden Guvamatanga and Evans Mushawevato ‘INEVITABLE’ encapsulates the essence of Britain and the West’s failed...

Rich pickings in goat farming

By Kundai Marunya THERE is a raging debate on social media on the country’s recent...

ZITF 2024. . . a game changer

By Shephard Majengeta THE Zimbabwe International Trade Fair (ZITF), in the Second Republic, has become...

Zim headed in the right direction

AFTER the curtains closed on the Zimbabwe International Trade Fair (ZITF) 2024, what remains...

More like this

UK in dramatic U-turn

By Golden Guvamatanga and Evans Mushawevato ‘INEVITABLE’ encapsulates the essence of Britain and the West’s failed...

Rich pickings in goat farming

By Kundai Marunya THERE is a raging debate on social media on the country’s recent...

ZITF 2024. . . a game changer

By Shephard Majengeta THE Zimbabwe International Trade Fair (ZITF), in the Second Republic, has become...

Discover more from Celebrating Being Zimbabwean

Subscribe now to keep reading and get access to the full archive.

Continue reading