HomeOld_PostsZimbabwe ngairambe yakamira pachokwadi

Zimbabwe ngairambe yakamira pachokwadi

Published on

NYAYA iyi yakanyorwa naDavet Muzvidziwa ikaturikirwa naRujeko Jangano

KUNYANGWE ukaita mumwechete amire pachokwadi, vamwe vose vakasamira newe, chinhu chakanaka kuramba munhu wakabatirira pachokwadi.
Kuramba munhu wakamira pachokwadi kunoita kuti vamwe vanhu vange vachitora nzira yakaipa vazive kuti mafambiro avo haana kunaka.
Vana veZimbabwe senyika uye sedungamunhu vanofanira kutsvaga kunaka mumaitiro nemafungiro avo sezvo chikamu chatave kupinda chinova chebudiriro chinoda vanhu nenyika ine pfungwa dzakarurama.
Ndokunge isu tazvipira kuva pachokwadi, toramba kusarurama, tikadaro tinobva tatanga kuwana budiriro.
Mamiriro ezvinhu parizvino okuti vari kuita zvakaipa vakawanda kupfuura avo vari kuita zvakanaka haana pundutso kunyika yedu inoyevedza kudai.
Senzira yokutsvaga raramo, vana veZimbabwe vakaita zvakawanda munguva yokukwira kwemitengo yezvinhu apo zvinhu zvainge zvisina kumira zvakanaka muno munyika izvo zvakapera mugore ra2009.
Pane zvinhu zvakawanda zvakaitika panguva yandiri kutaura nezvayo iyi, zvimwe zvezvinhu izvi zvaisanganisira kuparwa kwedzimhosva, kuita zvinhu zviri kunze kwemitemo, kushaya hunhu, hutsinye nezvimwe zvakawanda.
Zviitiko izvi zvinonzwisisika tikatarira mamiriro ainge akaita zvinhu nokuti vanhu vaitsvaga raramo.
Chikamu ichi chakadarika asi chakasiya vanga munhoroondo yenyika ino.
Parizvino zvokudya zvave kuwanika zvokuti zvimwe zvizvarwa zvave kutokwanisa kutenga dzimotokari izvo zvirikungooneka kuburikidza nokuwanda kwedzimotokari mumigwagwa.
Nhasi uno ukaenda kuzvimbo dzokutandarira unoona vanhu vazhinji vachidya nyika rutivi.
Vana vari kuenda kuzvikoro uye vechidiki vari kuchata.
Zvinhu zvave kudzoka panzvimbo.
Vana veZimbabwe vave kuzivikanwa nokutya Mwari.
Chitendero chohuMwari, chinova chiKirisitu, lslam, nezvimwe zvakadaro zvinowanika muno munyika zvave kugona kupatsanura chakanaka nechakaipa.
Nyangwe zvazvo zvinhu zvadzoka panzvimbo vamwe vanhu vave kuita kachijairiro kekuramba vachiita huori zvisinei kuti nguva yokuwoma kwezvinhu yakapfuura.
Panguva yokuwoma kwezvinhu huori hwainge hwakatekeshera.
Mumutsetse wokutenga chingwa huori hwaivepo, mukunotora mari kubhanga huori hwaiwanikwa zvakare.
Kuti munhu awane zvaaida aitoita huori.
Mumwe munhu aigona kufunga Zimbabwe icharamba yakabatirira pachokwadi.
Mumwe munhu aiona sokunge vana veZimbabwe vachasiya huori mushure mokuparara kwekukwira kwemitengo zvisina mwero.
Zvinoshamisa kuti munhu nhasi kwaanoenda anongoona huori huzere.
Unonzwa vanhu vachitaura mazwi okuti, “hautengi Coke iwe”, “maoko ari kuvava” zvichireva kuti unofanira kuburitsa mari kuti uwane zvauri kuda.
Huori hwakaipa uye ndehwadhiyabhorosi.
Vana veZvimbabwe vanofanira kuzvitsaura kubva kudhimoni rehuori iri.
Huori hukaregeredzwa hunogona kutekeshera nenyika yose asi vana veZimbabwe vanofanira kutsvaga kururama.
Mudzisvondo vaparidzi vari kungoparidza nazvekururama zuva nezuva.
Vanotsigira nemagwaro ari mubhaibheri anotaura nezvekururama senzira yokushevedza Mwari murwendo rwokubvisa chakaipa.
Zvinoshamisa zvakare kuti ivo vaparaidzi vamwechetevo vanoparidza mharidzo yekururama asi ivo vachiwanikwa kurutivi rwezvakaipa.
Vanotora madzimai nevarume vasiri vavo.
Vanomira mumadzitare emhosva vachitongerwa kuba ukuwo magweta vanofanira kunge vachichengetedza ruzhinji ndivo vari kuwanikwa vachiba dzimari dzinofanira kuchengeta ruzhinji.
Vatungamiri vemakambani vanofanira kunge vachiunza budiriro munyika ndivo vopinza Zimbabwe munyatwa vopomerwa dzimhosva dzokubhadharisa mari shoma pazvinhu zvinotengeswa kunze kwenyika pamwe nokubhadharisa yakawanda pazvinhu zviri kubva kune dzimwe nyika vavariro yavo iri yokuparadza nyika.
Zimbabwe yakazvimiririra yoga inogona kushandura mamiriro ezvinhu munyika ikadzoka panzvimbo.
Nyika yedu ndiyo ine vanhu vakadzidza pasirose.
Mwaka yedu yegore yakanakisa zvikuru pakurima.
Ko tinosweropedzereiko nguva tichitarisa kunyika dzokuEast nokuWest tichitsvaga mhinduro kumatambudziko edu.
Mutungamiri wenyika ino vaRobert Mugabe vanogara vachingotisimbisa nguva dzose muzvikamu zvinoti dzidzo, hutano, kugova ivhu zvose izvi zvakangobudirira kuburikidza navaMugabe.
Kurimwa kwefodya navarimi vechidiki uye budiriro yakavepo haidi kutsanangurirwa munhu. Shure kwezvo kwakauya kupihwa kwamasimba kuzvizvarwa zveZimbabwe takatarisana nezvemabhizimisi.
Nokuda kwokutadza kusimuka pakutora zvirongwa zvatinogadzirirwa izvi zvakaita kuti vaMugabe vaende kuChina kunotsvaga mhinduro zvakakonzerwa nohutera hwedu.
Tikaregedza huori nehuipi hwose, totora nzira yakanaka vanhu vekunyika dzeChina neNigeria havazombooni mukana wokuvhura tuzvitoro twavo muno munyika.
Munhoroondo yenyika yedu zvakagara zviriko kuti hutsvene hunofanira kuwanikwa matiri.
Muhondo yeChimurenga Mbuya Nehanda vakaramba kusiya hutsvene zvisinei kuti zvinhu zvainge zvisina kumira zvakanaka.
Vainge vakatarisana norufu asi zvakadaro vakasarudza kuramba vakabatirira pachokwadi.
Kuita kwavakaita kwakasiya mucherechedzo uyo wakazotevedzerwa nemagamba akatevera.
Ruzhinji rwevatungamiri venyika vakatombosangana nehudzvanyiriri hwaSmith kwamakore akati wandei.
Muhudzvanyiriri ihwohwo vakakunda vakaramba vamire pachokwadi.
Vakazviudza kuti kurwa kunofanira kuenderera mberi nyangwe kufira mujeri kwaive kusina basa.
Varwi vorusununguko vakasarudza kusaita zvakaipa mukurwira ruzhinji.
Vaive nehudokwa -dokwa hwakasimba hwekuita chakanaka.
Vakazvipira kusiya kunakidza kwose kweino nyika vakasarudza kusunungura ruzhinji kubva muhutapwa.
Zimbabwe haigoni kuenderera mberi kana huori hukaramba huchiwanikwa pose pose.
Zimbabwe haigoni kuenderera mberi kana vashandi vehurumende vakasatambira mari inogona kuraramisa mhuri dzavo.
Zimbabwe haigoni kubudirira kana vatungamiri vachikumbira chiwokomuhomwe kune avo vanenge vachida kuita mabhizimisi muno munyika.
Zimbabwe haigoni kubudirira kana tisati tagadziridza mitemo yedu kuti vanoda kushandira muno vauye.
Mwana wose weZimbabwe anofanira kuita zvinhu nemazvo kuti tive neramangwana rakanaka renyika yedu inoyevedza.
Tisu tiri kukanganisa nyika yedu, tisu zvakare tiri kuzvinyengera tiri kuzvibira zvakare tisu tiri kutengesa goridhe kune dzimwe nyika zvisiri pamutemo.
Zimbabwe ikabva pakuita zvakaipa yotanga kuita zvakanaka nyika yedu inodzoka pakuva pamusoro.
Ngativavarirei kuita zvakanaka!
Nyaya iyi yakatorwa muThe Patriot remusi wa Gumiguru 24-302014.

LEAVE A REPLY

Please enter your comment!
Please enter your name here

Latest articles

We must break the ‘cross’ and the crown … and let black power, black pride and black liberation reign

By Mafa Kwanisai Mafa THE history of Zimbabwe is deeply entangled with the broader African...

First Lady champions return to our cultural roots

By Simon Ngena SUNDAY, 25 May, is Africa Day. It is the day Africa celebrates...

Forget the bickering! . . . time to put the shine on Africa Games

By Anesu Chakanetsa THERE has been a growing chorus of concern among sports enthusiasts regarding...

African and its wildlife have always co-existed

AS Zimbabwe hosted the SADC Transfrontier Conservation Areas (TFCAs) International Conference and Summit of...

More like this

We must break the ‘cross’ and the crown … and let black power, black pride and black liberation reign

By Mafa Kwanisai Mafa THE history of Zimbabwe is deeply entangled with the broader African...

First Lady champions return to our cultural roots

By Simon Ngena SUNDAY, 25 May, is Africa Day. It is the day Africa celebrates...

Forget the bickering! . . . time to put the shine on Africa Games

By Anesu Chakanetsa THERE has been a growing chorus of concern among sports enthusiasts regarding...

Discover more from Celebrating Being Zimbabwean

Subscribe now to keep reading and get access to the full archive.

Continue reading

× How can I help you?